Accessibility links

Breaking News

Ivory Coast Inobudirira Kuenda kumaSemi Final eMakwikwi eAFCON


Vatambi veIvory Coast
Vatambi veIvory Coast

Ivory Coast yarwisa kaviri ichibva kumashure ikakunda Mali 2-1 mumutambo wavo weQuarter Final yemakwikwi eAfrica Cup of Nations kuIvory Coast.

Mali ndiyo yatanga kurova mambure nechibodzwa chakandwa naDongeles, asi Ivory Coast yadzosera mutambo wave kunopera nechibodzwa chakandwa naAdingra, izvo zvamanikidza mutambo uyu kupinda mu extra time, umo Diakite akanda chibodzwa chaendesa mberi Ivory Coast kuma Semi Final.

Asi ruzhinji rweZimbabwe rwunotevera nhabvu rwuri kufamba nevavakidzani veZimbabwe, veSouth Africa iyo chikwata chayo che Bafana Bafana chiri kutamba izvozvi neCape Verde mune mumwe mitambo we Quarter Final.

Kwese kwese veruzhinji vari kungosheedzera kuti “Bafana Bafana ndizvo,” vaine chivimbo chekuti chikwata ichi chichavafadza panopera mutambo wanhasi manheru uyu.

Chiri kuita kuti vasimudze izwi ndechekuti South Africa ndiyo yega nyika yekuchamhembe kweAfrica yasara mumakundano aya zvichitevera kubuditswa kwakaitwa Angola, iyo yakarohwa 1-0 neNigeria nezuro manheru.

Asi kana tichitarisa gungano renyika dziri musangano reSADC, South Africa neD-R-C dzichiri kutarisirwa kuti dzingangoenda mberi nekufadza chaunga mumakundano aya.

AFCON
AFCON

Manyuku-nyuku ari munyika haasi kuratidza kuti Zimbabwe yanga isiko kuAfcon 2023 mushure mekunge mitambo yekuendako yakatanga panguva iyo Zimbabwe yaive yakadzingwa munhabvu neFIFA.

Zvimwe zvikwata zvekuchamhembe kweAfrica, Mozambique, Namibia, neZambia, zvakabuda kare mitambo yemakwikwi aya isati yanyanyotsvuka ropa.

Kubvira muna 2005, Cape Verde neSouth Africa zvasangana mumitambo mina, Cape Verde ichikunda mumitambo miviri, South Africa mumumwechete, mumwe wacho uchipera uri mangange.

Asi muongorori wemutambo wenhabvu, VaMathias Kufandirimbwa, vanoti vachitarisa nzira yafamba zvikwata zviviri izvi kuAfcon 2023, kusvika pavari apa, zviri kuratidza kuti South Africa ndiyo iri pamberi.

“Tikatarisa kubva kuma group, South Africa yanga iri muma group anga akaoma kudarika Cape Verde iyo yaive nezvikwata zvepasi-pasi. Kana yakakwanisa kurova anaMorocco, haingazonetsekana neCape Verde,” vanodaro VaKufandirimbwa.

Mutsigiri mukuru wechikwata cheCaps United, VaFrancis Chihowa, vanoti mutambo uyu wakaoma zvikuru asi ivo vari kufamba neBafana Bafana.

“Ndiri kuona uyu uri mutambo wakaoma zvikuru asi ini ndirikumhanya neBafana-Bafana,” vadaro VaChihowa.

South Africa neCape Verde dzine vatambi vanokwanisa kusandura mutambo, South Africa iina Percy Tau naEvidence Makhopa, Cape Verde iina Bebe uyo aimbove kuManchester United, asi ave kutambira kuSpain.

Chikwata chichakunda mumutambo uyu chichanosangana neNigeria neChitatu chinouya.

Imwe semi fainari iyo ichatambwa zvakare neChitatu iripo pakati peIvory Coast neD-R-C.

Zvikwata zvishanu zviri pamusoro muAfrica muhurongwa hwezvikwata hweFIFA, Morocco, Senegal, Tunisia, Algeria neEgypt zvakabuditswa kare mukurwira mukombe mukuru uyu.

Aimbotambira Circle United uyezve akamborairidza Dynamos, Bigboy Mawiwi, anoti mamiriro aita zvinhu ave kunetsa kudoma kuti chikwata chinotora mukombe uyu ndechipi.

“Zvikwata zvikuru zvataifunga kuti zvinotora mukombe uyu zvakabuditswa. Saka ikozvino, hapana chikwata chatingati zviri pachena kuti chinotora mukombe uyu. Izvi zvirikuita kuti mitambo iyi inakidze,” ndiwo maonero aMawiwi.

Zvakamira zvakadai, mumwe muongorori wemutambo wenhabvu, VaCalvin Mawarire, vanoti maSuper Eagles eNigeria ndiwo ari kuenda nechimuti.

“Nigeria iri kuratidza kuti yakasimba zvikuru. Ine mukana wakasimba wekutora mukombe uyu,” ndiwo maonero avaMawarire.

Nigeria iri kuda kutora mukombe wayo weAFCON wechina kuti ienzane neGhana asi yakasiiwa neEgypt iyo ine mikombe yeAFCON minomwe pamwe neCameroon iyo ine mikombe mishanu.

Fainari yeAFCON 2023 iriko musi weSvondo, svondo rinouya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG