Accessibility links

Breaking News

Bafana Bafana, D-R-C, Dzorwira Chinhanho cheChitatu kuMakwikwi eAFCON


Makwikwi eAFCON kuIvory Coast.
Makwikwi eAFCON kuIvory Coast.

Zvikwata zviviri zvenyika dziri mugungano reSADC, zvinoti Democratic Republic of Congo, D-R-C, neSouth Africa, zviri kupinda munhandare ye Felix Houphouet Boigny ku Ivory Coast manheru ano kurwira menduru yebronze yeAFCON 2023 vachifanodziisa nhandare kwakamirirwa mitambo mukuru wefainari pakati peNigeria neIvory Coast.

Zvikwata izvi zviri kupinda munhandare na 10 manheru ano nguva dzimwe chete dzichatambwa fainari mangwana, zvichirwira chinhanho chechitatu uye menduru ye bronze yemakundano aya.

Vakawanda vanotevera mutambo wenhabvu vanoti mutambo uyu wakaoma kunongedzera anokunda nekuti Bafana Bafana nemaSimba Boys zvakaenzana pamasimba.

Munzira yekusvika pavari apa, zvikwata izvi zvakatamba zvinodakadza kusvikira DRC yarohwa neIvory Coast, South Africa ichikundwawo neNigeria muma semi fainari.

Muongorori wemutambo wenhabvu, VaAdmire Muhimeke, vanoti zvingarwadze vakawanda South Africa ikadzokera kumba isina chayakabata nematambiro ayakaita mumakundano aya.

“South Africa irikuda kudzokera kumusha iri pachinhanho chechitatu. Vanga vachitamba vakabatana zvekuti ndine chivimbo chekuti vachabudirira nhasi kuti vabudewo vari pachinzvimbo chechitatu ichi,” adaro Muhimeke.

Aimbotambira zvikwata zvinoti Motor Action, Blackpool, Lengthens neMonomotapa muZimbabwe akazoenda kuSouth Africa, Germany neVietnam, Alvin Ndunduma anoti akafadzwa nematambiro akaita South Africa mumakundano aya.

“South Africa yakatamba zvinodakadza. Vaive vakaronga mutambo wavo kuti vanotamba sei iye yatinoti muchirungu strategy. Vaifadza matambiro avo vaine bhora kana vasina ,” adaro Ndunduma.

Mutsigiri wechikwata cheYadah, VaSamson Mutukwa, vanoti semaonero avo South Africa inokunda nekuti ine vatambi vanoziva kukanda chikumba mumambure.

“Vakomana veSouth Africa kumberi kwavo uko varikuona gedhe zvisingaite. Chokwadi ndechekuti vanokanda zvibodzwa nekukunda nhasi,” vanodudzira VaMutukwa.

South Africa ine vatambi vakaita saPercy Tau, Evidence Makhopa naMihlali Mayambela vari kushura mare kumakwikwi aya.

Asi murairidzi wemutambo wenhabvu, Edmore Muthetwa, anoti DRC iri kukunda nemhaka yeshungu dzekutarisirwa pasi kwairi kuitwa nevakawanda.

“DRC yanga ichitarisirwa pasi. Hapana aimbofungira kuti ichasvika pairi apa.

Mutambo wanhasi uchapera DRC yakunda. Ndiwo maonero angu,” anosimbisa Muthetwa.

DRC yacho inotamba yakabatana sechikwata asi ine vamwewo vatambi vanoonekera nezvidavado vakaita saGail Kakuta, Gedeon Kalulu naChancer Mbemba.

Zvikwata zviviri izvi zvichatambidzwa mari inoita iyo mamirioni maviri nezviuru makumi mashanu zvemadhora ekuAmereka yekusvika musemi fainari.

Chikwata chichatora mukombe uyu mangwana pakati peNigeria neIvory Coast chichatambidzwa mari inoita iyo mamirioni manomwe, chinokundwa chichiwana mamirioni mana emadhora.

Nigeria iri kutarisira kutora mukombe uyu kechina, kuchitiwo Ivory Coast ichitarisirawo kuusimudza kechitatu.

Makundano eAfcon ari kusvika kumagumo mangwana uyezve achadzoka zvekare kwapera makore maviri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG