Accessibility links

Breaking News

Kudzingwa KweVanhu paMisha neMapurazi Kotyirwa Kuti Kuchawedzera Nzara


Vamwe Vagari Vari Kuputsa Misha Mushure Mekudzingwa Nehurumende
Vamwe Vagari Vari Kuputsa Misha Mushure Mekudzingwa Nehurumende

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvekurima dzinoti kusungwa kuri kuitwa vanhu vari kunzi vakazvigarisa pamapurazi nemisha zvisiri pamutemo kuchatowedzera nyaya yekushomeka kwechikafu sezvo vari kutiza vachisiya zvipfuyo zvavo nezvirimwa.

Mapurisa anoti asunga vanhu zviuru zvitatu nemazana manomwe kana kuti 3, 700. Vamwe vakasungwa kuMasvingo vanoti vari kubhadhariswa zana remashora rekuamerica.

Vamwe vanhu vanodarika mazana mana vamiswa pamberi pedare muChipinge vachipomerwa mhosva yekuramba kutambira kurudziro yehurumende yekuti vabve panzvimbo yemadzitateguru avo kuti pavakwe dhorobha idzva.

Vamwe vakasungwa ku Matebeleland North, nekuMatebeleland South, ku Mutorashanga, Ku Masvingo ne kwa Gutu. Mumwe wevakasungwa ndiVaHenry Mukusha vekwa Bhuka kudunhu reMasvingo vanoti mangwana vamwe vavo vanosvika makumi mashanu vari kuenda kudare mangwana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG