Accessibility links

Breaking News

Vanorwira Kodzero dzeVanhu Voshora Mapurisa Nekurumisa Mudzidzi Nembwa


Masangano anorwira kodzero dzevanhu akaita seAmnestry International, sangano rinomirira varairdzi reAmalgamated Rural Teachers Union nerevadzidzi reZimbabwe National Students Union ari kushora zvikuru kurumiswa nembwa nemapurisa kwakaitwa mumwe mudzidzi wepaSt Faith Mission kuManicaland nezuro mushure mekuratidzira murunyararo kwakaitwa nevadzidzo.

Vadzidzi vaiti havasi kufara nekuwedzerwa kwemari dzechikoro. Mapurisa akaburitsa mashoko kuatori venhau kuti achiri kuferefeta nyaya iyi.

Mukuru weAmnesty International Zimbabwe, Amai Lucia Masuka vanoti vanhu vane kodzero yekuratidzira murunyararo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:00:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG