Accessibility links

Breaking News

Vatsigiri veNhabvu Votarisira Kuti Zimbabwe Yakadzidza Kubva kuMakwikwi eAFCON 2023


Zimbabwe Warriors
Zimbabwe Warriors

Vamwe vatsigiri vemutambo wenhabvu vanoti makundano enhabvu yemuAfrica, eAFCON 2023 akaitirwa kuIvory Coast yaive vhurameso yakapa Zimbabwe gwara rekutevera.

Makwikwi aya akatambwa kubva musi wa 13 Ndira akapetwa musi wa 11 Kukadzi, apo Ivory Coast yakasimudza mukombe uyu mushure mekurova Nigeria 2-1 mufainari.

Mhuri yenhabvu munyika inoti makwikwi aya yaive vhurameso kuti Zimbabwe igadzirise zvinhu kuti maWarriors akwanise kusvikawo padanho raikwikwidzwa iri.

Chekutanga, aimbotambira Caps United, Frank Nyamukuta, anoti ari kukatyamadzwa kuti Zimbabwe iri kutarisira budiriro iyo isina nhandare kana imwechete zvayo yekuti chikwata chenyika chitambire mitambo yacho.

“Munoda kutamba sei bhora racho musina nhandare dzacho ?” anobvunza Nyamukuta.

Anoti nyaya yedzinhandare iyi inoda kugadziriswa nechimbi -chimbi nekuti zvinonyadzisa kutambira mitambo yepamusha mune imwe nyika uyezve zvinokanganisa matambiro echikwata chacho.

“Gatigadzirei nhandare kuti titambire nhabvu kwete kunotambira mitambo yedu yepamusha kune dzimwe nyika. Zvinonyadzisa,” anodaro Nyamukuta.

Frank Nyamukuta
Frank Nyamukuta

Zimbabwe yatarisana nemakundano e2026 World Cup ayo ichatamba mimwe mitambo pamusha neBenin, Lesotho, Rwanda neSouth Africa.

Gurukota rezvemitambo, Muzvare Kirsty Coventry, vakavimbisa kuti nhandare yeNational Sports Stadium ichange yagadziriswa pachadzoka mitambo yeWorld Cup, asi aka hakasi kekutanga vachivimbisa izvi asi pasina chinobuda.

MaWarriors akatambira mumwe mutambo wavo wepamusha we2026 World Cup neNigeria kunyika yeRwanda uko vakaita mangange 1-1.

Kunze kwe2026 World Cup, Zimbabwe ichange ichikwikwidza zvekare mumakundano emunzira yekuenda kuAfcon 2025.

Mutsigiri weDynamos, VaAdam Mukwasi, vanoti pamusoro penhandare, Zimbabwe inofanira kupa basa murairidzi ane ruzivo rwenhabvu yemuAfrica.

Vanoti Zimbabwe inofanira kudzokera zvayaiita kare apo yaivimba nevarairidzi vemunyika muno, avo vakaendesa maWarriors kuAFCON.

“Kana taikwanisa kuenda kuAfcon tichishandisa varairidzi vemuno, tadii kuramba takasunga panaizvozvo. Takambange tiripakanaka nevarairidzi vemuno, zvevarairidzi vekunze izvi zvinotiremedza mangwana,” vaMukwasi vanotaura.

Mutsigiri Dynamos, VAdam Mukwasi.
Mutsigiri Dynamos, VAdam Mukwasi.

Zimbabwe yanga ichi rairidzwa neBaltermar Brito wekuBrazil, uyu akadzokera kuPortugal kwaanogara mushure mekupera kwechibvumirano chake chebasa.

Pamusoro pezvo, muongorori wemutambo wenhabvu, VaBoswell Marimo, vanoti vari kutungamira nhabvu, veNormalisation Committee, vanofanira kuronga mitambo yekuedzana masimba nezvikwata zvine mazita mukuvaka maWarriors.

“Tanga tave nenguva tisingatambe nhabvu nedzimwe nyika. Tirikuda gadziriro yakasimba nemitambo yekuedzana masimba nezvikwata zvine mazita kuti tivake chikwata chakasimba,” vadaro VaMarimo.

VaMarimo vanowedzera ivo kuti veZIFA vanofanira zvekare kuisa mari parutivi yekuzochengeta maWarriors kwete kuzoti vatambi varamwe basa nenyaya yemubhadharo.

Vamwe vatsigiri venhabvu vari kukurudzira maWarriors kuti ateverewo tsoka dzeBafana Bafana, avo vakatamba zvinonwisa mvura kuAFCON.

MaWarriors eZimbabwe akadzoka munhabvu yepasi rese musi wa 11 Chikunguru, 2023, mushure mekumbodzingwa neFIFA nemhaka yekupindira kwehurumende muhutungamiri hwenhabvu.

Makundano eCastle Lager Premier Soccer League ari kutanga musi wa 2 Kurume apo Highlanders neDynamos dziri kusangana mumutambo wekutanga kwemwaka.

Murairidzi weCaps United,Lloyd Chitembwe
Murairidzi weCaps United,Lloyd Chitembwe

Chikwata chaLloyd Chitembwe, cheCaps United chiri kuvhurawo musangano neChicken Inn.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG