Accessibility links

Breaking News

Mauto Oshorwa Nekutyisidzira Vatori veNhau veNewsHawks


Dumisani Muleya
Dumisani Muleya

Masangano evatori venhau akaita se MISA Zimbabwe neZimbabwe Union of Journalists ari kukurudzira vanodzivirira nyika kuti vachengetedze vatori venhau vebepanhau repadandemutande reNewshawks avo vanoti vave kutyisidzirwa kubva zvavanyora nyaya yehuori hunonzi hwakaitwa nevamwe vakuru muchiuto pachirongwa chehurumende chekutenga dzimba.

Mutauriri wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, VaGeorge Charamba vayambira vatori venhau kuti vasiyane nekufukura hapwa panyaya dzine chekuyita nezvekuchengetedzwa kwenyika zvinogona kukonzera kusagadzikana munyika.

Mumashoko kuvatori venhau, vakuru kumauto vanoti bepanhau iri rakakurumidza kumedza kutsenga kuchada.

Asi masangano evatori venhau anoti vatori venhau havafanire kutyisidzirwa kana vachiita basa ravo rinosanganisira kuona kuti hapana huori hunoitwa munyika.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika Amai Oppah Muchinguri kana mutauririri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi sezvo nharembozha dzavo dzange dzisiri kudairwa.

Mukuru webepamhau re The NewsHawks, Dumisani Muleya anoti vakatomira kutaura nezvenyaya idzi mushure mekuona kuti ddzinogona kupinza vatori venhau vavo mumatambudziko. Vanotiwo hurumende haifaniri kurambidza vatori venhau kuita basa ravo vakasununguka.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG