Accessibility links

Breaking News

America Yobatsira Zimbabwe Kurwisa Dambudziko reMhirizhonga Mudzimba


Apo dambudziko remhirizhonga mudzimba irir kuramba richipararira munyika, hurumende ichishanda neAmerica neUnited Nations iri kusimbaradza zvirongwa zvekuderedza dambudziko iri uye kubatsira vanenge vasangana nemhirizhonga.

Vachitaura nhasi kumuzinda weUNICEF muHarare, uko UNICEF yanga ichitambidza hurumende yeZimbabwe midziyo yakasiyana siyana yakatengerwa nebazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica reUSAID, vana chipangamazano musangano iri Amai Natalie Kruse-Levy vati chakanyanyokeshesa kuti Zimbabwe ikwanise kupedza dambudziko remhirizhonga.

Mumiririri weUNICEF muZimbabwe Dr. Tajudeen Oyewale vatiwo kuti vanosangana nedambudziko remhirizhonga vabatsirikane zvinoda kuona kuti kuzvipatara kuve nezvikwanisiro .

Mutevedzeri wegurukota rinoona nezvehutano VaSleiman Timios Kwidini cachitaura pachiitiko ichi vatiwo kupedza dambudziko remhirizhonga munyika vanenge vawirwa nedambudziko iri vanofanirwa kumhan’ara kumapurisa.

Vatiwo hurumende inezvirongwa zvakadai sekuwanisa vanhu manumba ekufona pachena kuti vamhan’are mhirizhonga.

Zvipatara zvichabatsirwa nemidziyo iyi inosanganisira mabhuku ekuverenga, zvekuridza mumhanzi, mabhora ekutambisa anobatsira kupedza kushushikana, zvekunyoresa nezvimwewo zvinosanganisira maward evana kuSally Mugabe , Parirenyatwa, Mpilo , United Bulawayo Hospital, Masvingo Prvincial Hospital, Bindura,Chinhoyi neMarondera .

Mimwedzi gumi yekutanga kwegore rapera mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vakati vanhu vanodarika makumi matatu nemume kunyanya madzimai vainge vaurayiwa nekuda kwemhirizhinga yemudzimba. UNICERF inotiwo madzimai nevanasikana vari pakati pemakore gumi nemashanu nemakumi mana nevapfumbamwe vanosangana nemhirizhonga inosanganisira kubatwa chibharo, kumbunyikidzwa uye kushungurudza mupfungwa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG