Accessibility links

Breaking News

Vatori veNhau Vanonzi Vachadzidziswa Kunyora zveGukurahundi Kuti Vasapesvedzere Mhirizhonga


Gukurahundi
Gukurahundi

Zimbabwe Media Commission kana kuti ZMC yazivisa nhasi kuti vatori venhau vachadzidziswa kuti vonyora sei nyaya dzeGukurahundi pasina kupesvedzera kunetsana zvekare kwemarudzi munyika sezvakaitika kumakore ekuma1980 apo vanhu vanodarika zviuru makumi maviri vanonzi vakapondwa mumatunhu eMatabeleland neMidlands.

Gukurahundi yakatanga mugore ra1982 ndokuzodzimurwa muna 1987 pasi pechibvumirano cheUnity Accord chakanyoreranwa pakati peZanu-PF nePF Zapu. Mauto eFifth Brigade anonzi akadzidziswa basa neNorth Korea ndiwo ari kupomerwa mhosva dzekuponda vanhu munguva yegukurahundi.

Musangano wekuzeya manyorerwo enya dzegukurahundi uyu waitirwa kuHarare International Conference Centre muHarare nhasi. Izvi zvinotevera mumwe wakaitirwa kuBulawayo svondo rapera. Vapinda mumusangano uyu vanosanganisirra vatori venhau nemapurisa. Vachitaura pamusangano uyu, mukuru we Zimbabwe Media Commission VaGodwin Phiri vati pachaitwa hurongwa hwekuti vatori venhau vanyore zvisigapezvedzere mhirizhonga.

Mutori wenhau achitungamira chikwata chevatori venhau vechidiki cheYoung Journalists Association, Leopold Munhende anoti zvakakosha kuti vatori venhau vapiwe mikana yekuzivisa veruzhinji vasingafambe nedivi rimwe segakanje kuti nyaya idzi dzigadziriswe.

Mutauriri wemapurisa eZimbabwe Republic Police avo vapindawo musangano uyu Assistant Commissioner Paul Nyathi vati mapurisa achashanda nevatori venhau achiona kuti vakachengetedzeka apo vanenge vachitapa nhau dzavo pachirongwa chekupodza maronda eGukurahundi.

Vachitaura ne Studio 7, murongi wemabasa musangano re Heal Zimbabwe Trust VaRawlings Magede vati Zimbabwe inofanirwa kudzidza kunyika dzakaita seRwanda mukuona kuti vose vakatadzirwa panguva yeGukurahundi vapiwe mukana wekutaura zviri kutsi kwemoyo yavo. Vatiwo zvakakosha kuti masangano akaita semakereke apihwewo basa rekuyananisa sezvo vaine nhoroondo mukugadzirisa makakatanwa.

Asi vanoongorora zvematongerwe enyika vakazvimirira uye vachishanda nesangano reInternational Media Support VaRashweat Mukundu vaudzawo Studio 7 kuti hurumende haifanirwe kuita mutongi gava panyaya iyi sezvo ichipomerwawo mhosva yekutungamira zvirongwa zveGukurahundi.

Murongi wemabasa musangano reZimbabwe Human Rights NGO Forum VaWilbert Mandinde, vanoti nyaya yeGukurahundi inofanirwa kuitwa zviri pajekerere sezvakaitwa kuRwanda ne South Africa.

Hurumende yaimbenge yaramba kuti nyaya iyi igadziriswe vaive mutungamiri wenyika mushakabvu Robert Mugabe vachiti yaive nguva yekupenga. VaMnangagwa pavakatanga kutungamira vakavimbisa kugadzirisa nyaya iyi.

Asi gurukota ravo rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi vakaudza mumwe musangano weUnited Nations kuGeneva muna 2022 kuti nyaya iyi yainge yagadziriswa naVaMugabe pavakareerera vanhu vose vaive nechekuita negukurahundi.

Izvi zvakashorwa neUnited Nations nevanorwira kodzero dzevanhu zvakapa kuti VaMnangagwa vati madzishe atungamire hurongwa hwekuyedza kupodza maronda.

Munguva yegukurahundi VaMnangagwa ndivo vaive gurukota rezvevasori. Zuva rekuti madzishe atange kunzwa pfungwa dzevanhu harisati raziviswa. Asi madzishe nevamwe vachatungamira hurongwa uhu vanodarika chiuru chimwe chete vakatodzidziswa basa kare.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG