Accessibility links

Breaking News

Mudzidzisi weMutambo weTennis muAmerica, VaJulius Mashonganyika, Vanowana Mubairo Mukuru weUSPTA


Murairidzi wemutambo we tennis, VaJulius Mashonganyika
Murairidzi wemutambo we tennis, VaJulius Mashonganyika

Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kusangana nevana veZimbabwe vari kunze kwenyika, tine hurukuro nechizvarwa cheZimbabwe chinodzidzisa mutambo wetennis mumatunhu eVirginia, DC, Maryland neWest Virginia muAmerica, VaJulius Mashonganyika, avo vakawana mubairo wepamusoro weUnited States Professional Tennis Association 2023 Star Award mudunhu reMid-Atlantic.

VaMashonganyika, avo vari kudzidzisa mutambo we tennis muAmerica kubva muna 2011, vanoti ndivo mutema wekutanga mudunhu kuwana mubairo mukuru uyu, uyo unopiwa kumunhu anenge awedzera mikana kune vamwe kuti vapindewo mumutambo uyu.

Mukombe weUSPTA Star Award wakahwinhwa naVaJulius Mashonganyika muAmerica.
Mukombe weUSPTA Star Award wakahwinhwa naVaJulius Mashonganyika muAmerica.

Pari zvino vanoshanda semukuru wemutambo wetennis paLoudoun County School muLeesburg, mudunhu reVirginia muAmerica, uyewo vanopa zvidzidzo zvemutambo uyu pachena kuvana nevakuru mumatunhu akasiyanasiyana emuAmerica.

Vachangobvawo zvakare kudomwa semurairidzi mukuru weMeridian High School Athletic Department vachidzidzisa chikwata che tennis chevakomana, cheVarsity Boys.

VaMashonganyika, avo vahwinha mikombe ine chitsama, vanoti vakatanga kutamba tennis muna 1984 kuMufakose muHarare uko vakadzidziswa mutambo uyu nemudzidzisi ane mukurumbira, VaAlbert Nhamoyebonde, pasi pechikwata cheMufakose Tennis Coaching Agency.

Mikombe yaVaJulius Mashonganyika.
Mikombe yaVaJulius Mashonganyika.

Vanoti vakatambira chikwata cheMufakose Tennis Club, icho chakashura mare mumutambo uyu sezvo chaive chevatambi vanobva kumisha inogara veruzhinji.

Vakazotorawo zvidzidzo zvepamusoro zvakasiyanasiyana zvekurairidza mutambo uyu, vakazove mukuru weWhite Rhinos Tennis Club.

VaMashonganyika vakadzidzisawo mutambo we tennis muZimbabwe neSouth Africa vasati vaenda kuAmerica.

Vakazoendawo kuLondon, kuEngland kunoita zvimwe zvidzidzo zvekurairidza tennis zvepamusorosoro, zveAll-England Lawn Tennis Club Facilities Management Seminar.

VaMashonganyika vanoti chinangwa chavo ndechekusimudzira vatambi vechidiki pamwe nevamwe varairidzi vemutambo uyu kusanganisira vanobva kuZimbabwe vari muAmerica.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG