Accessibility links

Breaking News

Anoita zveMafirimu muAmerica Karen Abercrombie Orumbidza Madzimai Anoita zveMitambo muZimbabwe


Karen Abercrombie
Karen Abercrombie

Mutambi wekuAmerica anoita zvemafirimu Karen Abercrombie anoti madzimai emuZimbabwe ane zvipo munyaya dzezvemitambo asi vanofanira kuita mushandirapamwe kuti vazvisimudzire mumabasa avo kuti vawane chouviri.

Karen Abercrombie uyo ane makore makumi matanhatu ekuberekwa, anozikanwa zvikuru kuburikidza nemafirimu anosanganisira War Room, Discarded Things, God's Compass nemamwewo.

Kuburikidza nekambani yake yeEarth Mother Entertainment, Abercrombie anonyora nekubika mitambo yakasiyanasiyana uye muimbi wenziyo dzechitendero.

Mutambi uyu ange ari munyika achisangana nemadzimai munzvimbo dzakaita seCelebration Centre pamwe neTheatre in the Park muHarare achivadzidzisa nezvekusimudzira mabhizimusi avo pasi pechirongwa chinonzi Inspire Summit 24.

Abercrombie anoti madzimai akawanda emunyika ane zvipo asi vanongoda kubatsirwa nehunyanzvi zvinova zvaave kuita munyika dzakawanda.

Anotiwo zvakakosha kuti madzimai ari muchikamu chezvemitamboi abatane kuti vagone kushandisa zvipo zvavo neruzivo rwavo kuti vave neremangwana rakajeka.

Mumwewo mutambi wechidiki Dalma Chiwereva akapinda muzvirongwa zvaAbercrombie izvi anoti akadzidza zvakawanda.

Nyanzvi yezvemitambo anoshanda akazvimirira Muzvare Marian Kunonga vanoti vatambi vemuZimbabwe neAmerica vakagara vaine hukama hwakanaka.

Mushandi mukuru muhofisi inoona nezvekudyidzana neruzhinji musangano reAmerican Chamber of Commerce muZimbabwe Muzvare Wadzanai Chiuriri vanoti munguva yekuona kwezvinhu zvichikonzerwa nenzara, zvakakosha kuti vatambi vashandise zvipo zvavo kuti vawane pundutso.

Zvidzidzo zvaAbercrombie zvakaitwa pasi pedingindira rinotarisa budiriro nehunyanzvi hwakasiyanasiyana mune zvemitambo kana kuti; "How to become a successful multi-faceted creative".

Zimbabwe ine vatambi vakawanda vaita mukurumbira pasi rose munyaya dzezvemitambo vakaita saDanai Gurira ari mufirimu rinonzi Wakanda uye Chipo Chung ari mufirimu rinonzi Resurrection.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG