Accessibility links

Breaking News

Hurwere Hwotadzisa Pope Francis Kuita Zvimwe Zvirongwa ZveZuva reMuchingwi Kana Kuti Palm Sunday


FILE PHOTO: Pope Francis skips readings due to bronchitis at the Vatican
FILE PHOTO: Pope Francis skips readings due to bronchitis at the Vatican

Pope Francis avo vasiri kunzwa zvakanaka vanonzi havana kuzotungamira munamato pazuva remuchingwi kana kuti Palm Sunday nhasi past Peter’s Square kumuzinda wavo weVatican nhasi sezvange zvakatariasirwa.

Kenya
Kenya

Pope vave nemakore makumi masere nemanomwe vanonzi havasi kunzwa zvakanaka sezvo vasiri kufema nekuda kwechikosoro zvakanaka uye makumbo avo achinzi ari kuvadzimba zvakanyanya.

Muzinda weVatican unoti vanhu zviuru makumi maviri nemashanu vaungana pamunamato uyu.

Pope Francis vanonzi vari kuda kuzorora sezvo svondo rino v ari kutarisirwa kuita basa rakawanda kusanganisira kuenda kumajeri kuRome nemusi weChina kunogeza tsoka dzevasungwa vechidzimai nemusi weChishanu vachatungamira hurongwa hwekucherechedza rwendo rwaJesu kuenda kumuchinjikwa kana kuti Way to the Cross kuRome.

Zvitendero zvakawanda zvechiKristu zviri kucherechedzawo zuva rePalm Sunday iri.

Reverend Kenneth Mtata vanoshanda kuWprld Council of Churches vati svondo rino rakakosha zvikuru muchitendero chechiKristu sezvo chichirangaridza vanhu nezvekufa nekumuka kwaMammbo Jesu kubva mune vakafa.

Forum

XS
SM
MD
LG