Accessibility links

Breaking News

Mudzimai weKuendesa Mamwe Madzimai muHunhapwa kuOman Okandwa Mujeri kweMakore Makumi Matatu


Mumwe mudzimai ane makore makumi mana nemaviri Caroline Zinyanga akatongerwa kugara mujeri kwemakore makumi matanhatu mushure mekubatwa nemhosva yekuendesa mamwe madzimai mapfumbamwe kuDubai uko vaibatwa senhapwa kana kuti human trafficking.

Bepanhau reHerald rinoti mudzimai uyu ainyepera vanhu kuti aibatsvagira mabasa kuDubai.

Gore rega rega bazi rinoona nezvekudzyidzana nedzimwe nyika muAmerica restate Department rinoburitsa gwaro rinotarisa nyaya dzekubatwa kwevanhu senhapwa rinonzi Trafficking in Person Report uye rinoti Zimbabwe imwe nyika ine dambudziko mukugadzirisa nyaya iyi.

Madzimai, vanasikana nevakomana vemunyika vanonzi vanomanikidzwa nekuda kwehurombo kugumisira vanyegetedzwa kuenda kunze vozonobatwa senhapwa kunyika dzakaita seIraq, Kenya, Kuwait, Oman, Saud Arabia neChina.

Iyo Zimbabwe inonzi yave kushandiswawo nevamwe kuendesa vanobva kuSomalia, Ethiopia neMalawi kuSouth Africa uko vanopedzisira vobatwa senhapwa.

Vachitaura pakuparurwa kwegwaro rekurwisa dambudziko iri gore rapera, mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga vakati hurumende yakazvipira kurwisa dambudziko iri nekuranga zvakasimba vanopara mhosva dzakadai.

Mukuru weZimbabwe Human Rights VaDzikamai Bere vaudza Studio 7 kuti Zimbabwe yadzika mimwe mitemo yekurwisa dambudziko iri asi nyaya yekusamira zvakanaka kwehupfumi nematongerwo enyika iri kupa kuti hupfumi hugwadame vanhu vachiita huori nekuyedza kutiza munyika zvinozopa kuti vagume vave mukanwa mamupere.

Forum

XS
SM
MD
LG