Accessibility links

Breaking News

Vanoita zveMitambo Vokurudzira Kuti Paumbwe Homwe Inozovachengeta Munguva dzeKuomerwa


Mumwe anoita zvemitambo, Constance Shumba, wekuChipinge.
Mumwe anoita zvemitambo, Constance Shumba, wekuChipinge.

Hurumende iri kukurudzirwa kuumba homwe inozobatsira vanoita zvemitambo vemunyika kana vawirwa nematambudziko. Asi hurumende inoti iri kutora matanho kugadzirisa dambudziko iri.

Mumwe mutambi wemafirimu nemadhirama wekuBulawayo, Ronald Sigeca, audza Studio 7 kuti hurumende inofanirwa kutsigira zvirongwa zvevatambi kuburikidza nehomwe inoenda kuzvirongwa izvi kuti vawanewo kuzviriritira.

Mutambi anogara kuChimanimani kuManicaland, Tsitsi Murewa, anoti vanoita zvemitambo muchikamu ichi vanofanirwa kuisa misoro pamwechete voshanda pamwe zvisineyi nekuti vanogara kumaruwa here kana kumadhorobha.

Vachitaurawo neStudio 7, nyanzvi inoongorora zvemitambo vari mukuru wechikamu chezvidzidzo zvemitambo paUniversity of Zimbabwe, Doctor Ngonidzashe Muwonwa, vanotiwo panofanirwa kuwanikwa nzira dzekubatsira nadzo vanoita zvemitambo ava munguva dzavo dzekuomerwa.

Ronald Sigeca wekuBulawayo.
Ronald Sigeca wekuBulawayo.

Asi imwewo nyanzvi inoongorora zvemitambo vachitungamira sangano reZimbabwe Theatre Association, Amai Getrude Pfumayaramba, vanoti vatambi nevanyori havafanire kumirira hurumende chete asi kuti vanofanirwa kubatana voshanda pamwe zvinozoita kuti vaumbewo homwe inozovachengeta mune remangwana.

Murongi wemabasa musangano reSavannah Trust, VaTedd Mangawa, vanoti kunyange hazvo Zimbabwe iine mitemo inochengetedza vatambi nemabasa avo, yakaita se Copyright and Neighbouring Rights Act uye iri nhengo ye Berne Convention, senyika inofanirwa kusimbisa kushanda kwemitemo iyi.

Mutambi wechidiki anogara muHarare, Fadzai Gwenhe, anoti vatambi vakawanda vari kudya nhoko dzezvironda zvisingaenderane nembiri yavo pamawairesi, materevhizheni nemumafirimu.

Sangano reNational Arts Council of Zimbabwe rakazivisa kuti ririkuedza neparinogona napo kuvandudza hupenyu hwevatambi.

Vachitaura neStudio 7, nhengo yeBoard resangano iri vachikokera chikamu chekufambiswa kwezvirongwa VaMarcus Gora vanoti National Arts Council of Zimbabwe yakatoita zvirongwa zvekufamba ichitaura nevatambi kumatunhu ose enyika vachinzwa matambudziko avo kuti vachigona kuzadzisa zvido zvavo.

Tsitsi Murewa wekuChimanimani.
Tsitsi Murewa wekuChimanimani.

Vachipindura mibvunzo panyaya yematambudziko evatambi, munyori mukuru mubazi rezvemitambo uye vaimbove mukuru weNational Arts Council, VaNicholas Moyo, vati hurumende ichaparura homwe ichange yakanangana nechikamu ichi uye kuparura zvirongwa zvinopa mikana vatambi vemunyika kuti vashandi pamwe nevekunze kuvandudza chikamu ichi.

VaMoyo vanotiwo gore rino homwe yenyika yakaisawo mari kubazi ravo ichabatsirawo muchikamu chavo, zvinova zvichazobatsiridza kugadzirisa matambudziko aya.

Vatambi vakawanda munyika, kusanganisira vakaita mukurumbira mukuru, vanorarama hupenyu hunosiririsa vamwe vacho vachifa vachitambura.

Mazuva mashoma apfuura, pakave nekutaura kwakanyanya apo mutambi aive nemukurumbira munyika, Stella January, akashaya negomarara, uko mudzimai wemutungamiri wenyika,

Amai Auxilia Mnangagwa, vakaendawo kunobata maoko vakabatsirawo nemari inonzi inosvika zviuru zvishanu zvemadhora ekuAmerica kana kuti $5000.00. Asi vamwe vanoti hurumende ndiyo inofanirwa kunge ichiita izvi kuburikidza nehomwe yekuchengeta vatambi uye kupa vatambi ava michero yavo vachiri vapenyu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG