Accessibility links

Breaking News

Vekumaruwa Vochema Kuti Havasati Vave neRuzivo rweMari Itsva yeZiG Apo veZvitoro Vave Kuramba Kutambira Mari Yekare


Mari itsva yeZiG yemapepa haisati yaveko asi iri kusanda iri mumakadhi ekumabhangi.
Mari itsva yeZiG yemapepa haisati yaveko asi iri kusanda iri mumakadhi ekumabhangi.


Vagari vekumaruwa vakawanda vanoti hapana zvavati vave kuziva zvakawanda pamusoro pemari itsva yakaparurwa munyika svondo rapera yema ZiG kana kuti Zimbabwe Dollar, apo vamwe vezvitoro vari kunzi vave kuramba kutambira madhora emunyika anga achishanda, maZimbabwe Dollar vachingoda kutambira madhora ekuAmerica chete pakutenga.

Vagari ava vari kuchema kuti kuparurwa kwemari itsva iyi nebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, kana kuti R-B-Z, kwakavaparira chitsvuku sezvo vave kutadza kutenga zvinhu muzvitoro nekuda kwekushaya mari yekuAmerica iyo iri kudiwa nevezvitoro.

Pasati paparurwa mari itsva yemaZiG, vagari vaikwanisa kutenga zvinhu nemari inenge iri mumakadhi ekumabhanga, kana kuti swipe, kana kutenga nemari dzinenge dziri munharembozha dzavo, mobile payment, kunyange zvaivadhurira kana zvichienzaniswa nekutenga nemadhora ekuAmerica.

Asi kubva zvakaparurwa mari itsva, vemuzvitoro vanonzi havachada kutambira imwe mari kunze kwemadhora ekuAmerica, vachiti havasati vave kunzwisisa mari itsva iyi uye havana ruzivo rweremangwana rwemari tsaru.
RBZ yakazivisa kuti mari tsaru ichange ichishanda munyika kusvika musi wa 30 mwedzi uno, apo panotanga kushanda maZiG.

Chimwe chezvitoro zvekumaruwa.
Chimwe chezvitoro zvekumaruwa.

Mumwe anoti ari kutadza kutenga zvinhu muzvitoro nemari itsva iri mukadhi rekubhangi rake zvichitevera kushandurwa kwemari dzakare dzichiiswa muma ZiG ndiVaPaidamoyo Kembo avo vanogara kuChikuti mudunhu reMashonaland West, avo vanoti vemuzvitoro vanoti havasati vawaniswa ruzivo pamusoro pemari itsva iyi.

“Mari itsva iyi yakatiparira iye zvino vemuzvitoro vave kuramba kuti titenge tichishandisa transfer kana swipe kubva zvakaparurwa mari itsva iyi” VaKembo vanotsanangura.

Izvi zvinotsigirwa nemumwe mugari wekwaOdzi mudunhu reManicaland, VaVusimusi Svosve, avo vanoti ivo havasati vave kutonzwisisa nezvemari itsva yacho.

“Chiri kunyanya kunetsa ndechekuti vemuzvitoro nesu vatengi hapana ari kuziva mafambisirwo emari itsva sezvo pasina dzidziso” VaSvosve vanotsanangura.

Mumwe muzvinabhizimusi ari paChikuti uyo ati anoda kuzivikanwa nezita rekuti Pachedu, anoti hapana chaari kuzivawo pamusoro pemitengo iri mumari itsva sezvo vasati vawaniswa dzidziso nevebhanga reRBZ sezvinomboitwa panoparurwa mari itsva.

“Kana isu vatengesi hapana chatiri kuzivawo nezvemari iyi, zvasiyana nenguva yakare apo taiziviswa nekuuya kwemari itsva” VaPachedu vanozivisa.

Nyanzvi mune zvemabhizimusi, VaGilbert Muponda
Nyanzvi mune zvemabhizimusi, VaGilbert Muponda

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda neGIMRI Finance, VaGilbert Muponda, vanoti mari itsva inogona kunge yakanaka asi vanoti haisati yashambadzwa zvakakwana kuti vemuzvitoro neveruzhinji vawaniswe ruzivo rwakakwana, izvo vanoti ndizvo zviri kuita kuti vekumaruwa varambe kutambira kunyange mari dzemunharembozha zvinozogona kuita kuti veruzhinji vashaye chivimbo nemari itsva iyi.

“Mari itsva inogona kunge yakanakira nyika asi dambudziko raitika nderekuti dzidziso yaita shoma zvichaita kuti zvinetse kuti igamuchirwe nevanhu” VaMuponda vanotsanangura.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti kumaruwa kune mabhanga mashoma ekupa mari nekudaro vachamanikidzwa kushandisa madhora ekuAmerica zvakanyanya zvichaita kuti kutengeserana kunetse uye kuvadhurira.

VaChitambara vanoti chakakosha kuti mari iyi idzikamiswe huremu hwayo kuti vakawanda vade kuishandisa.

“Chikuru ndechekuti vadzikamise huremu hwemari itsva iyi kuti vakawanda vade kuishandisa” VaChitambara vanozivisa.

Asi chipangamazano chebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, VaPersistence Gwanyanya, vanoti vashandi veRBZ vakatopinda kumaruwa svondo rino kunodzidzisa nekuzivisa vanhu nezvemari itsva.

“Vashandi veRBZ vakatoenda munzvimbo dzakawanda munyika svondo rino, vari kudzidzisa vanhu nezvemari itsva iyi kuti vanhu vazive mashandisirwo neruvara rwayo“ VaGwanyanya vanozivisa.

Panyaya yekushandiswa kwemari yekuAmerica zvakanyanya kumaruwa, VaGwanyanya vanoti RBZ haina zvainogona kuita kusvikira mari itsva yatanga kushandiswa kupera kwemwedzi uno.

VaGwanyanya vanoti vanhu havafanirwe kuchema zvakanyanya sezvo vanga vagara vachishandisa mari yemunyika shoma inongosvika kumabhiriyoni maviri emadhora chete.

Chitoro chekumaruwa.
Chitoro chekumaruwa.

Mari itsva yema ZiG yakaparurwa nagavhuna mutsva veRBZ, Doctor John Mushayavanhu, svondo rapera, yakatanga iine huremu hwemaZiG gumi nematatu anoraudzira kana ichienzaniswa nedhora rimwechete rekuAmerica. Asi pakupera kwezuva nezuro dhora rimwechete rekuAmerica rakanga rave kutengwa nema ZiG ari pakati pegumi nemashanu kusvika kugumi nemasere pamusika mutema.

Izvi zvinonzi nedzimwe nyanzvi mune zvehupfumi kana hurumende yakasasunga dzichisimba pakushambadza mari itsva iyi nekutambira iyo kumahofisi anotorerwa magwaro ekufambisa pamwe nekunobhadharwa mitero, veruzhinji vanogona kurambawo kuitambira vachisarudza kuramba vachishandisa nekukoshesa dhora rekuAmerica, iyo vanoti inochengetedza huremu kana zvichienzaniswa nemari yemunyika.

Hurumende inonzi yakatumira zvikwata zvinobva kuConsumer Protection Commission neFinancial Intelligence Unit zviri kutenderera zvichiona kuti vezvitoro havasi kuramba here kutambira mari yemunyika yeZimbabwe Dollar.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG