Accessibility links

Breaking News

Madzimai eKumaruwa Ofadzwa neChirongwa cheKuvhenekwa neKurapwa kweGomarara reChibereko


Madzimai akamirira kuvhenekwa chirwere chegomarara rechibereko.
Madzimai akamirira kuvhenekwa chirwere chegomarara rechibereko.

Mamwe madzimai ekumaruwa anoti anotambira nemufaro chirongwa chekuvhenekwa nekurapwa kwechirwere chegomarara rechibereko icho chiri kutungamirwa nebazi rezvehutano richitsigirwa neWorld Health Organisation, W-H-O.

Mamwe emadzimai ari kufara nekuuya kwechirongwa ichi munharaunda yavo ari kuMakonde mudunhu reMashonaland West, ayo anoti pari zvino kuongororwa kwegomarara rechibereko uku kwave kuitwa pakiriniki yeUmboe iri pedyo navo zvichienzaniswa nakare pavaiyenda kuno ongororwa kuChinhoyi kunova kure uye kuchida mari yekufambisa.

Kiriniki yeUmboe imwe yemakiriniki mazana maviri akaitwa nzvimbo dzekutorera zvinozovhenekwa pamunhukadzi kuti zviongororwe kuti ane gomarara here kana kuti kwete, zvinonzi muChirungu ma sample.

Zvirongwa izvi zvinonzi zviri kusangana nedambudziko rekushomeka kwavanamukoti.
Zvirongwa izvi zvinonzi zviri kusangana nedambudziko rekushomeka kwavanamukoti.

Amai Babra Matariranwa, vekuKaswa makare mudunhu diki reMakonde, avo vanove mumwe wemadzimai akaongororwa chirwere chegomarara akawanikwa asina, vanoti vakaongororwa nekuti vari pachirongwa chekunwa mapiritsi ekudzikamisa hukasha hweHIV/AIDS sezvo zvichinzi vanhu vakadai vari panjodzi huru yekubatwa nechirwere chegomarara rechibereko.

“Ndakaenda kunoongororwa nekuti ndiri pachirongwa cheHIV/AIDS uye kuti ndizive zvandiri panyaya dzeCervical cancer” Amai Matariranwa vanotsanangura.

Mumwe mudzimai akaongororwa, Amai Jane Kavhaya, vanoti kuongororwa kwakanakira kuti munhu anoziva zvaari uye kana ane chirwere anokurumidza kurapwa chisati chakomba.

“Kuongororwa kwakanaka kuti ukawanikwa une chirwere unokurumidza kurapwa chirwere chisati chakomba” Amai Kavhaya vanowedzera.

Asi mumwe mudzimai wechidiki, Amai Priviledge Masarakufa vekuDoma, avo vasati vaongororwa, vanoti chirongwa ichi chakanaka asi hachisi kushambadzirwa zvakakwana kumaruwa sezvo vakanonoka kuziva nezvacho.

“Handisati ndaongororwa nekuti ndanga ndisingazive kuti chirongwa ichi chiri kuitwa muno” Amai Masarakufa vanotsanangura.

Gurukotaq rezvehutano, VaDouglas Mombeshora
Gurukotaq rezvehutano, VaDouglas Mombeshora

Gurukota rezvehutano, Dr Douglas Mombeshora, avo vakabvakachira kiriniki yeUmboe pamwe nevamwe vashandi veW-H-O vainge vabva kumuzinda wavo kuSwitzerland, vanoti chirongwa ichi chiri kusangana nematambudziko akawanda anosanganisira kushomeka kwevanoongorora, kufamba mitunhu yakareba kwemadzimai vachienda kumakiriniki kunoisa ma samples uye kushomeka kwanautsanana vemunzvimbo ,kana kuti village health workers.

“Matambudziko akawanda anosanganisira kushomeka kwevashandi vezvehutano kumaruwa” Dr Mombeshora vanozivisa.

Dr. Mombeshora vanoti senzira yekuderedza mamwe ematambudziko aya vachaedza nepavanogona kuchengetedza vashandi mubazi rezvehutano nekuvapa zvikwanisiro, dzimba dzekugara pamwe nezvekufambisa kuti vasatize vachienda kunotsvaka mafuro manyoro.

“Tiri kuwanisa vashandi vezvehutano zvikwanisiro zvekushandisa, dzimba dzekugara pamwe nezvekufambisa kurerutsa mararamiro avo kuti vasatize kuenda kumafuro manyoro” Dr Mombeshora vanozivisa.

Vamwe vanamukoti vari kuita basa muchironga ichi.
Vamwe vanamukoti vari kuita basa muchironga ichi.

Asi nyanzvi munyaya dzezvehutano uye vakambove gurukota rezvehutano, Dr Henry Madzorera, vanoti hurumende inofanirwa kuwedzera huwandu hwevashandi vezvehutano vose, zvikuru kumaruwa uye vanofanirwa kupihwa mari dzinovakwanira kwete kupihwa mabhazi ekufambisa kana pekugara.

“Vashandi vezvehutano vanofanirwa kuwedzerwa uye kupihwa mari dzemihoro dzinovakwanira kwete kungopihwa zvekufambisa chete” Dr Madzorera vanotsanangura.

Vakafanobata chigaro chemukuru weW-H-O muZimbabwe, Dr. Sarah Wanyoike, vanoti Zimbabwe iri kuita basa guru munyaya dzekupedza chirwere chegomarara rechibereko asi vachiti inofanirwa kusunga dzisimbe kuwana zvimwe zvikwanisiro uye kuwedzera vashandi vehutano kumaruwa.

“Zimbabwe iri kuita basa guru kupedza dambudziko rechirwere chegomarara rechibereko asi vanofanirwa kuwedzera vashandi vezvehutano nezvimwe zvikwanisiro zvatichaedza kuvayamura nazvo” Dr Sarah Wanyoike vanovimbisa.

Dr. Sarah Wanyoike mukuru weWHO muZimbabwe.
Dr. Sarah Wanyoike mukuru weWHO muZimbabwe.

Bazi rezvehutano rinechirongwa chekuongorora gomarara rechibereko kumadzimai ose ane makore ari pakati pemakore gumi nemashanu kusvika pamakore makumi mana nemapfumbamwe kana kuti 15 kusvika 49.

Vasikana vane makore ari pakati pemapfumbamwe negumi nemana kana kuti 9-14 vari kubayiwa nhomba yekudzivirira kuti vasazobatwa nechirwere chegomarara rechibereko ichi kana vakura rinonzi Human Papillomavirus kana kuti HPV.

Asi chirongwa chekubaya vasikana nhomba chinonzi chiri kusangana nematambudziko ekuti havasi vasikana vose vari pakati pemakore aya vari kuenda kuzvikoro uko vashandi vezvehutano vari kufamba vachibaya nhomba, sekutaura kwegurukota rezvedunhu reMashonaland West, Amai Marian Chombo.

“Vamwe vana vasikana havasi kubayiwa nhomba yekudzivirira chirwere chegomarara nekuda kwekuti havasi kuchikoro, kuri kufamba kuchibayiwa nhomba nevashandi vezvehutano” Amai Chombo vanotsanangura.

Amai Marian Chombo.
Amai Marian Chombo.

Mudzimai akatorwa sample pakiriniki iri pedyo naye inozoendeswa pachipatara chikuru chemudunhu uko inonoongororwa kuti hapana mazai egomarara here.

Kana paine mazai egomarara anobva arapwa kuuraya mazai acho, asi kana pave nechirwere chegomarara panobviswa tunyama twunoendeswa kuzvipatara zvikuru zveParirenyatwa kuHarare kana kuMpilo kuBulawayo kuti zviongororwe kuti gomarara racho rakomba zvakadii, izvo zvinotora mwedzi mitanhatu sezvo vana mazvikokota vanovheneka vari vashoma.

Sangano reWHO rinoti gomarara rechibereko ndiro gomarara rechina riri kuuraya madzimai akawanda pasi rose uye rinoti madzimai zviuru mazana matanhatu nemakumi matatu, kana kuti 660 000, vakabatwa nechirwere ichi uye madzimai zviuru mazana matatu nemakumi mashanu kana kuti 350 000 vakafa negomarara iri mugore ra2022 chete pasi rose.

Zimbabwe imwe yenyika dziri kuwana rubatsiro kubva kumari inoita mamiriyoni mazana matanhatu emadhora ( US$600 million) yakapiwa ne W-H-O kupedza gomarara rechibereko kana kuti cervical cancer panosvika gore ra2030.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG