Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weAmerica VaBiden Vanoti VaTrump Vane Mhosva paKusagadzikana Kwakonzerwa neNyaya yeKubvisa Pamuviri


Mutungamiri weAmerica VaJoe Biden.
Mutungamiri weAmerica VaJoe Biden.

Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden vari kuisa nyaya yekodzero dzevanhukadzi dzekuchengeta pamuviri kana kupabvisa pamwongo pekutsvaga rutsigiro rwekuti vasarudzwe zvakare, vachipomera vavari kukwikwidzana navo musarudzo VaDonald Trump mhosva yekuvhura nzira yekudzikwa kwemitemo yematunhu yakaoma inorambidza kubviswa kwepamuviri.

Mukutsvaga rutsigiro musarudzo yemutungamiri wenyika iye zvino, VaTrump vari kutevera danho riri pakati nepakati panyaya yekubviswa kwepamuviri pane zvinodiwa nevamwe mubato ravo reRepublican Party.

VaJoe Biden vakatsvaga rutsigirio nenyaya yepamuviri muFlorida, uko mutemo wedunhu iri unorambidza kubviswa kwepamuviri padarika masvondo matanhatu uri kutanga kushanda svondo rinouya.

VaBiden vakati, “Mutemo uyu uri kuti nyaya yekuchengetedza hutano hwepamuviri imhosva kunyange mumadzimai asati amboziva kuti ane pamuviri. Ndiri kuti zvinoshamisa.”

Mutemo unorambidza kubviswa kwepamuviri muFlorida uchange uri mumwe wemutemo wenyika yose wakaomarara uye uri kukunda kwevatungamiri vebato reRepublican vane pfungwa yekuchengetedza tsika, vanodaro mudzidzisi wezvemutemo paUniversity of Miami, Muzvinafundo Caroline Mala Corbin.

Muzvunafundo Corbin vanoti, “Kune avo vane chitendero chinodzidzisa kuti hupenyu hunotanga panosikwa munhu, nekudaro pamuviri pakangofanana nemunhu, danho iri rinenge riri kukunda.”

Vaimbove mutungamiri weAmerica VaDonald Trump.
Vaimbove mutungamiri weAmerica VaDonald Trump.

Kunotove kupikisana mune zvematongerwo enyika naVaDonald Trump, avo vanoti mutemo weFlorida wakanyanya kuoma asi vachida zvakare kuyeuchidza vavhoti vanopikisana nekubviswa kwepamuviri kuti vakapedza mutemo wenyika yose waidzivirira kubviswa kwepamuviri nekudoma vatongi vedare repamusorosoro reSupreme Court izvo zvakashandura huwandu hwevatongi mudare iri ndokushandura mutemo weRoe v Wade.

Kutsvaga rutsigiro kwaVaBiden kunoona izvi semukana wezvematongerwo enyika.

Mutungamiri wenyika VaBiden vanoti, “Kwemakore makumi mashanu, dare rakatonga kuti paive nekodzero dziri mubumbiro remitemo dzinochengetedza munhu kuti asateveredzwa kana kutarisiswa. Asi makore maviri adarika, zvakabviswa. Ngatibudeyi pachena: Pane munhu mumwechete akakonzera dambudziko rose iri, uye anotozvitambira achidada nazvo: Donald Trump.”

VaTrump vanotodada nazvo uye vakatozviita zvakare muvhidhiyo padandemutande ravo mwedzi uno.

VaTrump vakati, “Hondo yemakore makumi mashanu iyi pamusoro peRoe v Wade takaibvisa mumaoko ehurumende takauya nayo mumwoyo, mupfungwa nemuvhoti yevanhu mudunhu rega rega. Yaitove chimwe chinhu. Iye zvino zvave kumatunhu kuti achiita chinhu chaicho.”

Chimhingamupinyi chinouya kana matunhu akaita zvinhu zvisingabvumiranwe nazvo naVaTrump. Zvakaita seFlorida.

Zvakaita seArizona, uko dare repamusorosoro redunhu iri rakamira nemutemo wekuma 1800 unorambidza kubviswa kwepamuviri kungada kuve kwendudzi dzese.

America iri kuita sarudzo muna Mbudzi 2024.
America iri kuita sarudzo muna Mbudzi 2024.

Vavhoti muArizona neFlorida vachave nenyaya yekodzero yekubvisa pamuviri pamapepa avo ekuvhotesa muna Mbudzi.

Matanho akadaro muKansas neOhio mumakore maviri apfuura anga achiona vebato reRepublican vachirasikirwa netarisiro. Uye VaTrump vari kuyeuchidza vatsigiri nekusasimba kwenyaya yekubvisa pamuviri musarudzo.

VaTrump vakati, “SaRonald Reagan, ndinotsigira zvakasimba kuiswa parutivi kwenyaya dzakaita sechibharo, kumitisana pahukama nehupenyu hwaamai. Unofanira kutevera zvinoda mwoyo wako panyaya iyi, asi yeuka, unofanira zvakare kukunda musarudzo kuitira kuchengetedza tsika yedu nekuchengetedza nyika yedu, iyo pari zvino iri kusiririsa, nyika iri kudzikira.”

Ndiwo mukana uri kushandiswa naVaBiden iwoyo.

VaBiden, “Donald Trump ari kushushikana kuti vavhoti vachamubata nemhosva yehutsinye nekusagadzikana zvaakakonzera.Hama dzangu, mashoko akaipira Trump ndeekuti tichamubata nemhosva nekudaro anofanirwa kuzvidairira. Tichamubata. Anofanirwa kuzvidairira.”

Sekusunda kwairi kuita nyaya yekodzero yepamuviri, hurumende yaVaBiden svondo rino yakasimbisa kodzero yekuchengetedzwa kwezvinyorwa zvehutano zvevanhu vanofamba vachidarika miganhu yematunhu.

Zvakanangana nekuchengetedza madzimai anogara mumatunhu anorambidza kubviswa kwepamuviri kana kuchiitirwa imomo kana vakazoitira kumwewo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

((Nyaya yaitwa naScott Stearns weVOA News makaipiwa naTanonoka Whande))

Forum

XS
SM
MD
LG