Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weKenya VaRuto Vanopembedza Mari Itsva yeZimbabwe Pakuvhura Kwavo ZITF yeGore Rino


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemutungamiri weKenya VaWilliam Ruto.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemutungamiri weKenya VaWilliam Ruto.

Mutungamiri wenyika yeKenya, VaWilliam Ruto, varumbidza kuparurwa kwakaitwa mari itsva yeZiG neZimbabwe vachiti idanho rakanaka rinogona kumutsiridza hupfumi hwenyika.

Vachitaura semunyarikani mukuru pakuvhura zviri pamutemo kwavaita musika wekutengeserana weZimbabwe International Trade Fair yegore rino kuBulawayo, inove yechimakumi matanhatu neina (64th), VaRuto vati zvisineyi nezvimhingamupinyi zvakawanda izvo vasina kudoma, vanhu vemunyika vanoratidza kusawora mwoyo.

Vati Zimbabwe ine mukana wakanaka wekubudirira nekuti ine vanhu vechidiki vakawanda vakadzidza pamwewo nezviwanikwa zvakasiyanasiyana zvinosanganisira zvicherwa izvo vati zvinhu zvinofanirwa kukosheswa nevose vanoda kusima mari muZimbabwe.

Mutungamiri weKenya uyu atiwo zvakakosha kusimudzira maitirwo emabasa nenzira dzechizvinozvino kana kuti innovation muChirungu sezvo izvi zviri izvo zvave kusimudzira hupfumi hwenyika dzepasi rose.

“Zimbabwe ine vechidiki vakadzidza zvikuru uye vane ruzivo rwekuita mabasa akasiyana-siyana vaine chido nekuzvipira kuita mabasa aya, zvinove zvinhu zvinofanirwa kugutsa vose vangade kutarisa kuZimbabwe senzvimbo yekusima mari yebhzimisi.”

Mutungamiri weKenya VaWilliam Ruto kuZITF kuBulawayo.
Mutungamiri weKenya VaWilliam Ruto kuZITF kuBulawayo.

VaRuto vati gungano reZITF rakakosha sezvo richibatsira kuratidza mikana yemabhizimisi ari munyika, vakati zvichienderana nedingindira regungano iri regore rino (Innovation: The Catalyst for Industrialization and Trade) kushanda nenzira dzechizvinozvino kwakakosha uye kunobatsira kuvandudza kudyidzana muzvikamu zvakasiyana-siyana pamwe nekutengeserana zviri nyore kwenyika dzemuAfrica.

“Kuita mabasa nenzira dzechizvinozvino kunobatsira kuvandudza zvehumhizha kuitira kuti pave nezvigadzirwa zvakawnda zvakasiyana-siyana izvo zvinoita kuti zvive nyore kuti vatengi vawane zvavanoda zvakakwana uye vachikwanisa kuve nezvinhu zvakasiyana-siyana zvekusarudza.”

Vati zvirongwa zvehurumende zvinosanganisira kutsigira zvekurima uye danho rekuve nemari itsva zvichabatsira kuti nyika ibudirire, vakati zvakakodzera kuti mari itsva yeZiG itsigirwe nehupfumi hwezvicherwa nekuti Zimbabwe inahwo hwakawanda.

“Zviri pachena kuti zvicherwa zvemuZimbabwe zvine huwandu hunopa hupfumi hwakawanda kunyika saka zvakakodzera kuti zvishandiswe mukutsigira mari itsva.”

VaFelix Chari mudzidzisi wezvidzidzo zvepamusoro paBindura University of Science Education. Vachipa maonero avo pamashoko aVaRuto, VaChari vati ichokwadi kuti maitirwo emabasa nenzira dzechizvino-zvino akakosha, asi vati kusamira zvakanaka kwezvinhu munyaya dzehupfumi munyika, uko vati kunonyanya kukonzerwa nekusave nemitemo yakajeka yezvehupfumi inogara ichichinjwa nguva nenguva, kunokanganisa izvi.

VaWiilam Ruto kuZITF kuBulawayo, Zimbabwe.
VaWiilam Ruto kuZITF kuBulawayo, Zimbabwe.

Geo Pomona Investment Company, iyo inoshanda nekanzuru yeguta reHarare mukuchengetedza tsvina nemarara, ndeimwe yemakambani emunyika ange ari pagungano iri kekutanga. VaSimbarashe Muchena vanoshanda nekambani iyi vati kuve pagungano iri kwabatsira kuti vanhu vazive nezvekambani yavo.

VaRuto, avo vanga vachiperekedzwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vatiwo Zimbabwe ine mukana mukuru wekubudirira. vaifanirwa kuvhura gungano reZITF zviri pamutemo nezuro asi vakazosvika munyika nezuro manheru nekuda kwekubatikana nezvimwe zvirongwa munyika mavo.

Parutivi pemusika weZimbabwe International Trade Fair uyu, Zimbabwe neKenya dzinonzi dzanyorerana zvibvumirano zvipfumbamwe zvekudzidzana nekushanda pamwechete.

Vamwe vanga vari pachiitiko chanhasi ichi vanosanganisira mumwe wevatewedzeri vavo VaKembo Mohadi, makurukota ehurumende, mukuru wemauto Va Villario Sibanda, mameya emunyika, vamiriri vedzimwe nyika, vemabhizimusi pamwe neveruzhinji, avo vabuda nehuwandu hwavo.

Mapazi ehurumende nemakambani ari pasi pehurumende ndevamwe vapiwa mibairo yekukunda muzviratidzwa zvavo.

Vachitenda vakaratidza zvigadzirwa zvavo gore rino pamusika uyu, sachigaro veZITF, VaBusisa Moyo, vazivisa kuburikidza nedandemutande reX iro raimbonzi Twitter, kuti gore rino kwanga kune vairatidza zvigadzirwa vanosvika mazana manomwe nemakumi matanhatu nevatatu, mazana maviri nevasere vavo vari vairatidza kekutanga.

Musika weZITF wakatanga nemusi weChipiri uye wavharwa neMugovera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG