Accessibility links

Breaking News

Vanotevera Nhabvu yekuEngland muZimbabwe Vanowaniswa Mukana weKuona Mukombe weEPL


Mukombe weEPL apo wanga uri muZimbabwe.
Mukombe weEPL apo wanga uri muZimbabwe.

Mukombe weEnglish Premier League wekuEngland wakadarika nemuZimbabwe murwendo rwawo rwekutenderera muchamhembe kweAfrica usati watambidzwa chikwata chichabudirira mwaka uno.

Mukombe uyu wakasvika muZimbabwe uchiperekedzwa nemutambi anemukurumbira Peter Ndlovu wemunyika muno uyo akave mutambi wekutanga wechitema anobva muAfrica kutamba muEnglish Premier League apo akatengwa neCoventry muna 1991.

Asi Ndlovu haana kutenderwa kubata kana kusimudza mukombe uyu sezvo vatambi vakamboutora nezvikwata zvavo vari ivo chete vanotenderwa kuita izvi.

Chakashamisa ndechekuti vanhu vashoma -shoma vanotevera mutambo uyu ndivo vakaungana mu Belgravia Sports Club kwete kuona mukombe uyu chete asi kutorwa mifananidzo yehupenyu vari pedyo nawo.

Izvi zvashamisa nekuti nhabvu yeEnglish Premiership inoteverwa nechaunga munyika uyezve iri kupomerwa mhosva yekudzikisa pasi vatsigiri venhabvu mudzinhandare kuona mitambo yemunyika vachisarudzo kugara kudzimba vachiona mitambo yemhiri iyi.

Mutsigiri wemutambo wenhabvu VaFarai Chisango, vanoti vakafara zvikuru nekusvikawo pedyo nemukombe une mukurumbira uyu

"Sevana veZimbabwe tirikufara. Kuuya kwemukombe uyu kunoitika kamwechete muhupenyu. Ndafara kuti ndasanganawo naPeter Ndlovu," vanodaro vaChisango.

Mutambi wenhabvu anemukurumbira Peter Ndlovu akamira nemukombe weEPL.
Mutambi wenhabvu anemukurumbira Peter Ndlovu akamira nemukombe weEPL.

Mumwe mutambi wemuZimbabwe, Bruce Grobbelaar, uyo akatambira Liverpool kubva muna 1981 kusvika 1994, akatora mukombe weEPL katanhatu nechikwata chake.

Mwaka wapera Manchetser City ndiyo yakatora mukombe uyu.

Asi mwaka uno chikwata cheArsenal ndicho chiri kutungamira makundano aya nemapoinzi makumi manomwe nemanomwe, poindi imwechete pamusoro peMan City.

Asi Man City inokwanisa kuenda pamusoro petafura kana ikarova Nottingham Forest neSvondo.

Liverpool yakarohwa 2-0 neEverton pakati pesvondo muGoodison Park zvekuti vamwe vanoitsigira vave kutoti zvapera zvapera.

Asi mumwe mutsigiri weLiverpool yacho, VaInncent Toreva, vanoti mukombe ndewavo.

"Ndirikuona kunge Arsenal ichatora mukombe asi Man City irikutuosa," vanodaro VaChoreva.

Makundano eEPL ari kusvika kumagumo musi wa19 Chivabvu.

Mitambo yeCastle Lager Premier Soccer League yatambwa munyika neMugovera yapera seizvi...Yadah 2 Chicken Inn 1, Simba Bhora 1 Tel-One 1, ZPC Kariba 0 Bikita Minerals 0. Mitambo iriko neSvondo yakamira seizvi; Manica Diamonds v FC Platinum, Dynamos v Ngezi, Highlanders v Caps United, Hwange v Herentals, Bulawayo Chiefs v Chegutu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG