Accessibility links

Breaking News

Mari yeZig Ichaendeswa kuMabhanga Nhasi Vanhu Vachitanga Kuishandisa neChipiri Asi Vachipihwa Shoma


Gavhuna weReserve Bank of Zimbabwe Doctor John Mushayavanhu vanoti mari itsva yeZimbabwe Gold kana kuti Zig ichaendeswa kumabhanga ose emunyika kutanga nhasi uye vanhu vachizokwanisa kuitora kutanga nemusi weChipiri.

VaMushayavanhu vataura mashoko aya kupepanhau reSunday Mail. Asi sechave chgariro musoro wetsuro kushaya nyanga, patotanga kuita gakava pamari iyi.

RBZ inoti makambani anokwanisa kutora mari inosvika zviuru makumi matatu kana kuti ZiG 30,000 pasvondo uye zviuru makumi matatu kana kuti ZiG 3,000 pamunhu.

Ko mari iyi inokwana here? Chipangamazano cheRBZ VaPersistence Gwanyanya vaudza Studio 7 kuti mari iyi inokwana parizvino uye ichawedzerwa nekufamba kwenguva kana zvakakodzera.

Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda neDurban University of Technology Muzvinafundo Gift Mugano vati mari iri kupihwa vanhu nemakambani ishoma uye havaone mari yeZIG ichidarika mwedzi mitanhatu isati yashaya simba zvakanyanya.

Forum

XS
SM
MD
LG