Accessibility links

Breaking News

ZIMSTAT Inoti Mitengo Yezvinhu Kana Kuti 'Inflation' Yakwira Zvakare.


ZIMBABWE-CURRENCY-GOVERNMENT
ZIMBABWE-CURRENCY-GOVERNMENT

Zimbabwe National Statistics Agency kana kuti ZIMSTAT yazivisa kuti mitengo yezvinhu kana kuti inflation yakakwira kusvika pazvikamu zvinodarika makumi mashanu nemanomwe nezviga zvishanu kubva muzana kana kuti 57.5% kubva pazvikamu makumi mashanu nemashanu nezviga zvitatu kana kuti 55.3%.

Asi imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi inoongorora nyaya yekukwira kwemitengo yezvinhu pasi rose Muzvinafundo Steve Hanke vanodzidzisa paJohns Hopkins University mu-America vanoti mitengo yezvinhu iyi yakwira nezvikamu zviuru zviviri nemazana mana nemakumi masere nematanhatu kubva muzana kana kuti 2486%.

VaHanke vanoti pasi rose Zimbabwe ndiyo iri pamusoro penyika dzose panyaya dzekukwira kwemitengo kana kuti inflation.

Vanoongorora nyaya dzezvehupfumi vari sachigaro wesangano reCentre for Disability Rights VaMasimba Kuchera vaudza Studio7 kuti mitengo yezvinhu iri kuenderera mberi ichikwira munyika izvo zvasiya vanhu vakawanda vave kunonga svosve nemuromo.

Forum

XS
SM
MD
LG