Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Voudza Vanhu kuHeroes Acre Kuti ZiG Yatambirwa Zvine Mutsindo


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanoti ruzhinji rweZimbabwe rwagamuchira mari itsva yenyika yeZimbabwe Gold, kana kuti ZiG, iyo iri kutarisirwa kutanga kuwanika mumabhanga kutanga mangwana.

Vataura mashoko aya nhasi muHarare apo panga pachivigwa magamba enyika matatu- VaNyasha Nash Dzimiri, Amai Grace Tsitsi Jadagu naBrigadier General Shadreck Vezha- pamarinda anoradzikwa magamba eNational Heroes Acre muHarare.

Kunyange paine kutsutsumwa kwakanyanya muvanhu, pamusoro pemari yemaZiG kubva zvayakaparurwa nehurumende pakatanga mwedzi uno, VaMnangagwa vashamisa vanhu vakawanda, mushure mekutenda vana veZimbabwe, nekutambira kwavanoti vaita mari iyi.

"Ndinoda kutenda vana veZimbabwe nekutambira uye kuchengetedza mari yedu yemuno yeZiG, kuti tinge tichiishandisa. Makorokoto Zimbabwe. Iyi imari yedu yatinofanira kudada nayo, sezvo ichitipa chimiro sevana veZimbabwe."

Mari yemaZig iyi yaendeswa kumabhanga nhasi neReserve Bank of Zimbabwe uye vanhu vanotarisirwa kutanga kuitora mangwana..

VaMnangagwa vatiwo sezvo nyika iine mhandu dzakawanda mwana wese weZimbabwe ane chijana chekuona kuti hupfumi hwasimukira.

"Apo takatarisana nekuzadzisa zvishuwo zvedu senyika, tichasangana nematambudziko. Asi ngatibatiranei pamwechete, mukubatana nemurunyararo. Musenzekete wekuti nyika yedu ibudirire uri patiri tose."

Asi mutauriri wesangano rinomirira vagari vari mumakanzuru anodarika makumi mana, reResidents Association Coalition for Electoral Reforms, VaMarvelous Khumalo, vati hazvidi n’anga kushopera kuratidza kuti veruzhinji havasi kufarira mari yeZiG. VaKhumalo vati, "Zviri kuitika zvinopa mhinduro zvega, kuti vanhu vari kushungurudzika, vachitadza kuwana mari dzekuchinjwa nadzo."

Vaenderera mberi vachiti, "Vanokwira makombi vari kupiwa zvinhu zvakaita semaBiscuites sechenji. Dzimwewo nzvimbo dzanga dzichiita 50c, dzakwira kuenda padhora nekuda kwekushaikwa kweChange. Mari iyi iri kunetsa kutambirika kwayo, uye hazvidi kupinza zvematongerwo enyika kuti muzvionere."

Vaimbove mutevedzeri wemutauriri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change, VaOstallos Siziba, vanoti bato riri kutonga reZanu PF, ndiro riri kutadzisa hupfumi hwenyika kusimuka nenyaya yehuori. Vati, "Nyaya inofanira kugadziriswa ndeyehuori. Muno muZimbabwe hupfumi huri kubiwa nevanhu vashoma vanenge vachishandisa masimba avo mune zvematongerwo enyika, kunyanya vari mubato riri kutonga reZanu PF."

Vatizve, "Ongororo dzekushandiswa kwemari nehofisi yaAuditor General inokuratidzai kuti kune mabhiriyoni emari yekuAmerica ari kubiwa munyaya dzemafuta edzimotokari, munyaya dzemishonga yekurapa vanhu uyewo mune zvekurima. Pane mari dzisina kuchena dzinenge dzichibiwa."

Asi anozviramba izvi, mukuru anoona nezvekubuditswa kwemashoko mubato reZanu PF, VaFarai Marapira, vachiti vemapato anopikisa havadi kuti nyika ipunduke.

"Dambudziko revari mumapato anopikisa nderekuti havana chinovaka chavanotaura, asi vanoda kutsoropodza chete. Isu kubato redu tinoti hakuna munhu asingasungwi, kana awanikwa aine mhosva." VaMarapira caudza Studio 7.

Vaenderera mberi vachitiwo, "Kungoti hatidi kutaura nezvehuori hunoitikawo mumakanzuru anotongwa nevanopikisa nekuti izvi hazvivaki. Chinovaka kuti tose tifumure zvakaipa zvinenge zvichiitika, nyika yedu yoenderera mberi."

VaMnangagwa vakurudzirawo kuti veruzhinji vabatane nehurumende, mudonzvo rayo rekuvaka nyika.

Asi kuchitariswa kupikisana kwemapato ari mune zvematongerwo enyika, zvinokwanisika here kuti vabatane vaine chinangwa chimwechete?

VaElton Ziki, mukuru wesangano reThe African Cause Trust vanoti, “Kubva nyika payawana kuzvitonga kuzere, nyaya huru yatisvitsa patiri ndeyekubatana. Kubatana kunounza runyararo nekuti nyika ipunduke.

Aya ndiwo mashoko anogara achitaurwa nemutungamiri wenyika VaMnangagwa, kuti ngatibatanei. Kubatana hazvirevi kuti hatipokani mumaonero, asi tinoonesana mune zvakanaka. Zvinogoneka kuti vanopikisa vabatane vevari kutonga kuti nyika ino ienderere mberi.”

Magamba matatu aradzikwa nhasi, vashakabvu Dzimiri, Amai Jadagu naBrigadier General Vezha, vatsanangurwa naVaMnangagwa sevanhu vaida kuona Zimbabwe inoerera huchi nemukaka.

Brigadier-General Vezha vakashaya nemusi wa16 mwedzi uno mutsaona yemumugwagwa; kuchiti VaDzimiri vaive musori vakashayawo musi mumwewo, vakurirwa nechirwere cheshuga, Amai Jadagu vanonzi vakashaya mushure mekurwara kwenguva pfupi. Vanonzi nebato reZanu-PF vakashanda zvakasimba kutsvagira bato iri rutsigiro kubva muna 1980.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG