Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Mana emuAmerica Ourayiwa neMurume Wavaiedza Kusunga


North Carolina Shooting
North Carolina Shooting

Nyaya yekuurayiwa kwevanhu nepfuti iri kuramba ichienderera mberi muAmerica zvokonzera gakava kuti vanhu vobvumidzwa kutenga pfuti nyore here kana kuti kwete.

Kune mapurisa mana akafa mamwe mana akakuvara zvakaipisira mushure mekupfurwa nemumwe murume wekuNorth Carolina nezuro.

Mumwedzi mitatu yekutanga kwegore rino chete, sangano rinomirira mapurisa reFraternal Order of Police rinoti mapurisa makumi mapfumbamwe nemasere apfurwa ari pabasa. Mapurisa anoti akapfura vanhu ava ndiTerry Clark Hughes Junior uyo aipomerwa mhosva dzekuva nepfuti isina rezinesi nedzimwe dzakawanda wanda.

Hughes Juniour akabva apfurwawo nemapurisa akafa. Gore rega rega, vanhu zviuru makumi mashanu kana kuti 50,000 vanourayiwa muAmerica nepfuti.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vari kuita zvidzidzo zvepamusoro soro paHoward University, VaCalvin Manduna, vanoti hapana kuwirirana pakati pemapato ezvematongerwo enyika emaRepublicans nemaDemocrats pakugadzirisa dambudziko iri. MaRepublicans anoti ikodzero yenhau kuva nepfuti.

Asi maDemocrats anoti panofanira kudzikwa mitemo inoita kuti zvisave nyore kutenga pfuti.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG