Accessibility links

Breaking News

Nigeria Yoronga Kuumba Chikwata cheMapurisa Anobva muMatunhu Ose eNyika Kuti Aunze Kugadzikana


FILE PHOTO: Summit for a new global financing pact takes place in Paris
FILE PHOTO: Summit for a new global financing pact takes place in Paris

Nigeria inoti iri kuronga kuumba bazi remapurisa rinoona nezvehuori nekugadzikana kwenyika mumatunhu makumi matatu nematanhatu enyika iyi kuyedza kurwisa vari kuita zvechigevenga vachipamba vanhu nekuvabira vachishandisa pfuti.

Mapurisa ematunhu aya anenge achiwedzerwa pane mamwe enyika zviuru mazana matatu vari kutatika kupedza mhirizhonga. Vamwe muNigeria vanoti vari kutambira hurongwa uhu.

Manheru emusi wa 14 Gumiguru gore rapera, mudzidzi wekuNigeria, Latifah Ibrahim uyo achinja zita nekutyira kuitwa kafiramberi anoti iye neshamwari dzake mbiri vakapambwa nevarume vashanu kudunhu rekumaodzanyemba kwenyika vachibva kuchikoro chemudunhu reGandu.

Anoti akanzwa kuchema kweshamwari dzake apo dzaibatwa chibharo nevarume ava. Latifa anoti, “Vakaita izvi pamberi pedu. Vakavabata chibharo pamberi pedu kunyangwe tainge takavharwa maziso. Takarohwa zvakaipisisa, hatina kubatwa zvakanaka.

Latifah anoti akaita rombo rakanaka sezvo asina kuzobatwa chibharo. Anoti vakamhan’ara nyaya iyi kumapurisa nekuvakuru vechikoro. Vatatu ava vakazosungunurwa kwapera mazuva mana mushure mekunge mhuri dzavo dzabhadhare madhora zviuru zvitatatu nemazana mashanu kana kuti $3,400.

Ati,Mhuri yangu yakashushikana mupfungwa zvakanyanya kunyanya amai vangu.”

Nyaya yekupambwa kwevanhu nemakororo anenge achida mari inyaya iri kukonzera kusagadzikana kwakanyanya muNigeria inova nyika ine vanhu vakawandisa muAfrica yose. Nyika iyi ine hupfumi husina kunyatsogadzikana zvakare.

Muna Kubvumbi, mutengo wekukwira kwezvinhu kana kuti inflation wakadarika zvikamu makumi matatu nechimwe kubva muzana kana kuti 31% zvichireva kuti yakwira zvakanyanyisa kudarika makore makumi matatu adarika. Vanoona nezvemagariro evanhu vanoti nyaya yekupamba vanhu iri kuitwa nevanoda kuwana mari uye ikangobhadharwa vanenge vari muhunhapa vacho vanobva vasungunurwa.

Kambani yemuNigeria yeSBM Intelligence inoti kubva zvakatora mhiko yekutumira nyika kwakaita VaBola Tinibu muna Chivabvu gore rapera, vanhu zviuru zvina nemazana manomwe vakapambwa. Vamwe zviuru nezviuru vamanikidzwa kutiza misha yavo.

Mauto emuNigeria ave nemakore gumi nemana achitatarikawo kupedza hondo nechikwata chinopfurikidzwa mwero cheBoko Haram nechimwe cheIslamic State West Africa Province. Kuwedzera matambudziko aya, kunewo kurwisana kwemarudzi uye vamwe vanoti vanoda kuzvipatsanura kubva kunyika iyi.

Kuyedza kugadzirisa matambudziko aya, muna Kukadzi, hurumende yakaronga kuvamba chimwe chikwata chemapurisa mudunhu rega rega kubatsira mauto nemapurisa. Bhiri iri ramirira kuti ritambirwe nedare reSenate kuti uve mutemo. Vakawanda muNigeria vanoti vanotambira hurongwa uhu hukaitwa zvakanaka.

Mugari wemuAbuja Simon Ibu anoti, “Mapurisa acho anenge ari emunharaunda, vanonzwisisa matambudziko anotarisana nevanhu uye vanokwanisa kuunza kugadzikana, zviri nani pane kudaidza vabvakure.

Izvi zvatsinhirwa nemumwe muzvinabhizimusi wemudunhu iri VaFrancis Oparanozie atiwo, “Vachasarudza vanhu kubva munharaunda.

Kana paine vatorwa vapinda tinozviona. Izvi zvichaunza kugadzikama asi dambudziko rinouya kana vematongerwo enyika vapindira nechinangwa chekuda kutyisidzira vavanenge vachikwikwidzana navo musarudzo.

Ongororo yakaitwa nesangano reAfrobarometerinoratidza kuti pamapazi ehurumende gumi nerimwe, mapurisa ndiwo anonzi nevanhu ari kukundikana kuita basa.

Anopomerwa mhosva yekuita zvehuori nekukonzera kusagadzikana munyika. Anonziwo anoshandisa chisimba zvisina kukodzera, kuita vanhu kafiramberi nezvimwe. Asi mapurisa anoramba izvi achivimbisa kuongorora mhosva dzavari kupomerwa idzi.

Anoongorora nyaya dzekugadzikana kwenyika, Kabiru Adamu anoti zvakakosha kuti mapurisa ashande achitevedzera mutemo. Adamu audza VOA kuti , Chatinoda kuti mapurisa atevedzera bumbiro remutemo nekuranga vasingaite izvo. Kana izvi zvisina kuitwa zvinonetsa kuti tigadzirise nyaya yekuti vanhu vose vave pasi pemutemo.

Mapurisa emuNigeria ari kutarisiswa zvakanyanya mashandiro avo nevanhu mushure mekuratidzira kwakaitwa munyika mese muna Gumiguru 200 vanhu vachinyunyuta nekumbunyikidzwa nemapurisa uye vachida kuti mashandiro avo avandudzwe.

Vamwe vanoti nyaya yekusavabhadhara ndiyo iri kupa kuti zvinetse kugadzirisa matambudziko ay. Asi dare reparemende muNigeria rinoti richiri kunzwa pfungwa dzevanhu uye masangano akazvimirira oga risati ratambira mutemo wekuva nemapurisa emudunhu.

Nyaya iyi maitumirwa naTimothy Obiezu weVOA, mukaiverengerwa nenini Marvellous Mhlanga Nyahuye VOA Studio 7

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG