Accessibility links

Breaking News

Mari yeZiG Yotanga Kutenderera muNyika Paine Maonero Akasiyana PaHuremu Hwayo


Mabhanga nhasi atanga kupa vanhu mari dzavo dzemaZimbabwe Gold (ZiG) dzemapepa nendarama vamwe vachifara nekuuya kwemari iyi vachiti ichaita kuti vasarasikirwe nemari nekushaikwa kwanga kuchiita chenji muzvitoro.

Asi vamwe vanoti havakanganwe chazuro nehope sezvo dzimwe mari dzmunyika dzakambodhindwa asi dzikatanga kushaya simba vanhu vakarasikirwa zvakanyanya..

Gavhuna weReserve Bank of Zimbwe Doctor John Mushayavanhu vaudza Studio 7 kuti mari iyi yatambirwa zvakanaka neveruzhinji. “Zig imari yatambirwa nekuti vanhu vanga vatambura nenyaya yechenji vamwe vaiti vachikwira makombi vonzi bhadharai muri vaviri vavaviri mozowonona ikoko ai nhasi zvange zvave nyore nekuti taburitsa maZig 1,2, 5 ari maCoins ndokubva tazoburitsa maZig 10 ari maNotes

Zimbabwe Gold (ZiG)
Zimbabwe Gold (ZiG)

Mumwe akwanisa kutora mari itsva iyi ndiVaKeby Muchandibaya, avo vati zvinofadza kuti vave kukwanisa kuwana mari kubhanga. “Handichaendi kunotora mari yangu kumugwagwa nekuti ndaiti mari yangu ikapinda ndoenda kunotenga mari mumugwagwa zvinhu zvange zvakaoma.”

Vati vanoona sekuti mari iyi ine simba uye hainetsi kutakura sema bond notes uye vakurudzira hurumende kuti itore matanho nekusunga vanoitengesa pamukoto.“Tiri kukumbira hurumende iomesere vanochinja mari mumugwawa vachida kutibira mari.

Vamwe vakaita saVaTakawira Marambanyika vaudza Studio 7 kuti vafarira mari iyi nekuti vatokwanisa kutenga vachipihwa chenji izvo zvange zvave kunetsa kuitika mazuva adarika. “Zviri nani nekuti chenji yange iri kungosara ikoko. Ndaiti ndikamupa mari, mari yaingosara ikoko ndozotora zvinhu zvandisingade.”

Asi vamwe vakaita saVaParadzai Musinahama, avo vabva kuMt. Darwin, vanoti vatadza kutora mari yavo sezvo vaudzwa nebhanga ravo kuti yange yapera. “Handina kutotora mari, ndichisvika pabhange reCABS ndatoudzwa kuti vatopa vanhu makumi manomwe uye vange vatokwana pazuva ranhasi.”

Ongororo yataita yaratidza kuti vanhu vawana mari vashomanamana pane zvange zvakatarisirwa uye vanotengesera mumigwagwa vakawanda pamwe nemotokari dzinotakura vanhu vange vachiri kubhadharisa vanhu nemadhora ekuAmerica sezvo vange vasati vawana maZiG.

Mumwe anotakura vanhu asina kuda kudomwa nezita asi achienda kuHatcliffe anoti vakatomirira maZiG nekuti achavabatsira pachenji. “Hatisati tatara mtengo yemaZIG asi tinoona sekuti ZIG kunoita kuti zvinhu zvive nani, tange tisingakwanise kutakura vanhu nedhora rekuAmerica asi pakaitawo ZIG tinokwanisa kutaura vanhu tichiita zvebasa”

Mutungamiriri werimwe sangano rinomirira vezvitoro, reConferderations of Zimbabwe Retailers, VaDenford Mutashu, vanoti kuwanikwa kwemari idzi kwarerutsira vatengi nevezvetoro. “Tirikuona kuti vakawanda vatotanga kuuya kuzvitoro vaine maCoins avo, vaine maNotes avo uye vezvitoro vaendawo kumabhanga vakanotorawo maZIG saka pari zvino vari kukwanisa kunge vachipa vatengi chenji yavo nemwero wakafanira.”

Vanoongorora nyaya dzehupfumi uye vakamboshanda kubazi rezvemari, VaMasimba Manyanya, vanoti kushomeka kwemari yemaZiG kunoita kuti vanhu vashaye chivimbo nayo. “Nguva ino yatiri yekuchinja mari inoda kuti ibatwe nemazvo kuti zvinenge zvarehwa nehurumende zvitevedzwe kuitira kuti vanhu vavake tariro nemari yavo itsva.”

Asi nyanzvi munyaya dzehupfumi uye vari munyori mukuru weMDC inotungamirirwa naVaDouglas Mwozora, Doctor Tapiwa Mashakada, vati vanotarisira kuti mari iyi ichange yave kuwanikwa yawanda mukati mesvondo rinotevera. “Chekutanga ndechekuti panofanira kuiswa kumabhanga maZIG anoenderana nemamiriyoni makumi masere emdhora ekuAmerica inove mari inoenderana nemBond ange aripo kaba zvadaro tinokwanisa kuzoongorora kuti mari iyi yatambirwa sei.”

VaMushayavanhu vakazivisa kare kuti mari ichawedzerwa vakati pavhiki vachatanga nekupa makambani mashoma zviuru makumi matatu 30,000 zvemaZiG uye zviuru zvitatu kuvanhuwo zvavo.

Nhasi mabhanga ange achipavanhu maZiG ari mumari rendarama kana kuti coins iri pa ZiG 1, 2 ne5 , kozoti yemapepa yanga iri ZiG10 chete.

Kumabhanga dhora rekuAmerica riri kutengwa nema ZiG anodarika gumi nematatu kana kuti US$1.00 to ZiG 13.4301.

Asi pamusika mutema vane mari yakawanda yekuAmerica vari kutengesa dhora rimwe chete nemaZiG anodarika makumi maviri nematatu, kana kuti US$1 to Zig 23.

Forum

XS
SM
MD
LG