Accessibility links

Breaking News

Hurumende neR-B-Z Vokurudzirwa Kushanda neVeruzhinji Kudzikamisa Hupfumi hweNyika


Mari itsva yemapepa neyendarama yatanga kushanda munyika sekuvimbisa kweRBZ.
Mari itsva yemapepa neyendarama yatanga kushanda munyika sekuvimbisa kweRBZ.

Komiti yebhanga guru reReserve Bank of Zimbabwe inoona nezvekutevedzerwa kwemitemo yemari, yeMonetary Policy Committee, iyo yakasangana neChishanu chapfuura, yakasunga kuti iri kugutsika nemashandiro ari kuita mitemo yakatarwa negwaro reMonetray Policy rakaparurwa neReserve Bank of Zimbabwe mukutanga kwemwedzi uno.

Mugwaro rakaburitswa nagavhuna veR-B-Z, VaJohn Mushayavanhu, komiti iyi yakati ichatsigira zvirongwa zvose, uye yakasungawo kuti ichambopa nguva yekuti zvisungo zviri mugwaro reMPS izvi zvionekwe kushanda kwazvo sezvo paine tarisiro yekuti zvichaunza kugadzikana mune zvehupfumi kuri kutarisirwa nenyika.

Asi nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti kuti izvi zvibudirire panofanirwa kunge paine matanho akasimba anotorwa nehurumende anotsigira zviri muMonetary Policy Statement.

Izvi zvinotsigirwa neimwe nyanzvi mune zvehupfumi, Muzvare Happiness Zengeni, avo vanoti zvamirira bhanga guru nehurumende kuti zvinonekwe kuti zvose zvakavimbiswa izvi zvinokwanisika here?

Imwe nyanzvi mune zvehupfumi inoshanda iri kuBritain, Muzvare Chenaimoyo Mutambasere, vanotiwo panofanirwa kutanga pave nekujekeserwa kweveruzhinji pamusoro pegwaro reMPS uye kuti zvii zvinotarisirwa kubva kwariri pasti paitwa zvimwe zvese izvi.

Asi nyanzvi mune zvehupfumi vari chipangamazano cheR-B-Z, VaPersistence Gwanyanya, vanoti zvakanga zvakakosha kuti dare rezvemari reMonetray Policy Committtee, rigare pasi rione kuti zvinhu zviri kufamba zvakanaka here, kana pane panoda kugadziriswa pogadziriswa, zvinoda kunatsurudzwa zvonatsurudzwa.

Monetary Policy Committee yakati nekuda kwekuti veruzhinji vakatambira gwaro reMonetary Policy Statement, yakabuda nezvisungo zvakawanda zvinosanganisira zvekuti pachengetedzwe mitemo inotara mari dzinoberekwa kumabhanga,

Yakatwo panofanirwa kuti pachengetedzwe hupfumi huri mumatura enyika, uyewo kuti bhanga guru rishande zvakasimba nehurumende kuitira kuchengetedza mitemo yakasimba yekudzikamisa hupfumi hwenyika.

R-B-Z inokurudzirwawo nekomiti yemitemo iyi kuti iendese dzidziso iri pamusoro pemari itsva yeZiG kumativi mana enyika.

Asi kunyange hazvo vamwe vari kuti mari itsva yeZiG yaunza kugadzikana kwehupfumi hwenyika, vakawanda vanoti kuti izvi zvibudirire hurumende, R-B-Z neveruzhinji ndivo chete vanopa chivimbo kumari itsva yeZiG.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG