Accessibility links

Breaking News

VeChidiki muAmerica Vanoti Vanoda Mutungamiri weChidiki Kwete VaTrump Kana VaBiden


VaJoe Biden naVaDonald Trump
VaJoe Biden naVaDonald Trump

Vechidiki vakawanda muAmerica vanoti zvaive nani dai paine mumwe ari kukwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika kunze kwaVaJoe Biden vemaDemocrats naVaDonald Trump vemaRepublicans. Asi pane vaviri ava, ndiyani ari kutsigirwa nevechidiki?

Pakukwikwidzana kwevarume vaviri vari ava vakunzi vakwegura nevakawanda muAmerica, pane mibvunzo kubva kune vakawanda kuti hutano hwavo hunovabvuira here kuti vakwanise kutungamira pasina matambudziko. Izvi zviri kubva kune vechidiki kunyanya. Mumwe ane mafungiro akadai ndiDesmond Kager. Kager anoti, Kana maRepublicans nemaDemocrats akatipa mumwe wekuvhotera, anokodzerwa kuvhotera ndipo pandichaenda kunovhota.

Ongororo yakaitwa nesangano rePew Research svondo rapera inoratidza kuti vechisiki zvikamu makumi manomwe nemashanu kubva muzana kana kuti 75% vari pasi pemakore makumi matatu vanoda kubvisa VaTrump naVaBiden kudai vaine simba racho. Asi pavaviri ava ndiyani ari kutsigirwa nevechidiki kunyanya? Nyaya yekodzero dzemadzimai ndiyo iri kupa kuti Francesca Panniello ati anotsigira VaBiden. Ati, “Kwandiri nyaya yekuti madzimai abvumidzwe kubvisa pamuviri zviri pamutemo yakakosha kwandiri. Ndinoda kupihwa kodzero yekuzvisarudzira kana ndisingadi nhumbu.”

Nyaya yekukwanisa kubvisa nhumbu iyi uye kuti mbanje ibvumidzwe kuputwa zviri poamutemo inenge ichivhoterwawo muna Mbudzi kuFlorida. Izvi zviri kupa kuti vechidiki vakaita sa Jayden D’Onofrio vati vachanovhotera maDemocrats. D’Onofrio anoti, “Vechidiki vane mukanha wakakura wekuti vakwanise kuva nechekuita nehutungamiri wedunhu reFlorida. Tiri kuona kuti nyaya dzekodzero dzemadzimai nedzekuputa mbanje zviri pamutemo dzakakosha kune vechidiki.

Kune vamwe vechidiki vari kuti havasi kutsigira VaBiden nekuda kwedanho ravo rekutsigira Israel muhondo iri muGaza. Asi mumwe wechidiki Eliana Stein ane maonero akasiyana. Anoti, Ini ndinofunga kuti kutsigira Israel kwakakosha. Nekudaro ini ndinotenda zvikuru zviri kuitwa nemutungamiri wenyika VaBiden zvekuramba vachitsigira Israel.”

Vechidiki vari kutsigira VaTrump vanosanganisira Briauna Bonilla wekuWinsconsin. Briauna anoti, “Ndinomboedza kutaura nevanhu vasingafarire VaTrump. Asi unongonzwa vachiti ibva pano. Handicadi zvekutaura. Saka ndofunga kuti iri ndiro dambudziko guru. Vanhu havadi kuteerera pfungwa dzevamwe. Vanongoti kana uchida Trump uri munhu akaipa.”

Izvi zvatsinhirwa nemumwe wechidiki Jonathan Boyer. Boyer ati, “Ichokwadi, hapana anoda kuti tinyatsotaure nyaya iyi.”

Briauna anotiwo, “Ndinoona sekuti ukakwanisa kutaura nyaya iyi, vakawanda vanoita sekuti hauna zvine musoro zvauri kutaura. Kana kuti vanobva vatanga kutaura nezvako kune vamwe vanhu.”

Vatsigiri vaVaTrump vechidiki vanoti vajaira kuti vamwe vezera ravo vanovabvunzisisa nezvedanho iri vachivashora sematauriro aVaIsayah Turner avo vati, “Semuenzaniso ndikaenda kubhawa ndakapfeka nguwani ine mufananidzo waVaTrump vanhu vanonditarisa sekunge ndinopenga. Asi izvi ndazvijaidza.”

Turner anoti anofarira danho raVaTrump pakurwisa huori. VaTurner vati, “Ndinoona sekuti pane huori hwakawanda p[asi rose. Ndinofunga kuti VaTrump ndivo murume chaiye anokwanisa kugadzirisa nyaya iyi asungatye. Ndinofunga achaita zvinhu zvinobatsira nyika.

Ongororo yakaitwa neReuters Ipsos muna Kurume inoratidza kuti muAmerica, vari pakati pemakore gumi nemasere nemakore makumi maviri nemapfumbamwe vanotsigira VaBiden kudarika VaTrump nezvikamu zvitatu kubva muzana. Asi uhu huhwandu hushoma pane vechidiki vaitsigira VaBiden pakambokwikwidzana vaviri ava makore mana adarika musarudzo yemutungamiri wenyika. Panguva iyi, vechidiki zvikamu makumi maviri nemana kubva muzana vaitsigira vaBiden panaVaTrump.

Forum

XS
SM
MD
LG