Accessibility links

Breaking News

Hurumende yeMalawi Yokurudzirwa Kurwisa Huwori Huri muKutengwa kweZvinhu zveHurumende


Mutungamiri weMalawi, VaLazarus Chakwera
Mutungamiri weMalawi, VaLazarus Chakwera

Masangano anoongorora nyaya dzezvehupfumi pamwe neanorwisana nehuwori muMalawi ari kukurudzira hurumende kuti igadzirise kukanganisika kuri muhurongwa hwekutengwa kwezvinhu zvehurumende.

Gwaro rakaburitswa muna 2021 riri pamusoro pezvirongwa zvezvivakwa zvehurumende, re2021 Malawi Assurance Report on Public Infrastructure Projects, rinonongedza kuti huwori hwakapararira mumapoka ose ehurumende yeMalawi. Boka rezvekuvaka ndiro rakanyanya kubatwa nehuwori.

“Zvamuri kuona kuseri kwangu chikwangwari chiri kuyambira vedzimotokari nezvemakomba ari mumugwagwa kwemakiromita zana nemaviri kana kudarika anotevera uye ari mumugwagwa weMalawi weM1 uyo unobatanidza nzvimbo dziri kumaodzanyemba, pakati penyika nekuchamhembe kwenyika. Ichi chiratidzo chikuru chemamiriro akaita migwagwa.

"Nyanzvi dzemagariro evanhu pamwe nedzehupfumi dzakatokurudzira hurumende kuti ikurumidze kuita basa rekugadziridza mugwagwa uyu kana Malawi ichida kusimbisa mabasa ebudiriro yemagariro nehupfumi.”

Makomba pamwe nekumwe kuparara kwemigwagwa zvatove mugariro wezuva nezuva muvanhu vanogara mumaguta. Kunze kwekuve njodzi muvatyairi nevavanenge vakatakura, zvinoratidza chimwe chezvimhingamipinyi mubudiriro yenyika mune zvemagariro akanaka nehupfumi.

VaJack Gama, mugari wemuLilongwe vanoti, “Mamiriro akaita mugwagwa ari kuwedzera kudhura kwedzimotokari, nguva yekufamba, uye kukonzera kukanganisika kwezvinenge zvakatakurwa.”

Nekuda kwekuparara kwemamiriro emugwagwa, vatyairi vanotora maawa matatu kufamba pakati peLilongwe neKasungu. Mutunhu uyu waisimbofambwa munguva iri pasi pemaawa maviri.

Nyanzvi mune zvehupfumi, Amai Bertha Phiri, vanove mukuru weMalawi Economic Justice Network, vanomira nerekuti kusamira zvakanaka kwemigwagwa kwakanganisa kukura kwehupfumi.

“Kana tiine migwagwa yakanaka, zvazvinoreva ndezvekuti magariro evanhu nehupfumi zvinobudirira zvakanyanya zviri nyore, nekuti migwagwa ine mukana wekusimudzira kutengeserana, kuvhurwa kwemisika mitsva, nekukwezva vanotanga makambani nekusima mari dzavo vatsva.”

Masangano anorwisana nehuwori ari kunongedza kunganiswa kuri muhurongwa hwekutengwa kwezvinhu uho hunobvumidza chiokomuhomwe, izvo zvinozobvumidzawo makambani anoita zvekuvaka asina hunyanzvi kuti awaniswe mabasa makuru ekuvaka.

VaWilly Kambwandira, mukuru weCentre for Social Accountability and Transparency, vanoti, “Tine mabasa ari kupiwa kuvanhuwo zvavo vasina kana muchina mumwechete zvawo, vasina kana kambani.

Takaonawo zvakare zvivakwa zviri pasi pezvinotarisirwa nekuti paive nekuwirirana pakati pevakuru muhurumende nevemakambani anoita zvekuvaka, izvo zvinozokonzera kuti pavakwe zvivakwa zvinenge zvisina kusimba uye kunaka.”

Migwagwa yemuMalawi inonzi inoda kugadziridzwa.
Migwagwa yemuMalawi inonzi inoda kugadziridzwa.

Vachipindura nyunyuto dziri kukura dzemamiriro emigwagwa yenyika, gurukota rezvekutakurwa kwezvinhu nemabasa ehurumende, VaJacob Hara, vakavimbisa zvizvarwa zveMalawi kuti vari kugadzirisa nyunyuto idzi nekukasika.

Nekuda kwemamiriro akaita zvinhu aya, sangano rinoona nezvezvivakwa, reNational Construction Industry Council of Malawai (NCIC) rakasimudzira maitiro aro ebasa mukuona kuti mabasa ari kuitwa pari zvino ari kuitwa nemazvo here?

VaGerald Khonje, mukuru weNational Construction Industry Council of Malawi vanoti, “Pane mamiriro ezvinhu anoita kuti pavakwe zvivakwa zvisina kusimba, chimwe chacho huri huwori. Mamwe mabasa akatokundikana kusimuka. Nzira inenge yatangwa nayo chirongwa yakatokundikana nechakare; dzimwe nguva zvinokundikana pakutengwa kwezvinhu.”

Sangano rinoona kana mabasa ezvivakwa achiitwa nemazvo iri rakatotanga kutora matanho ekumisa basa rekuvaka pane zvimwe zvirongwa zvinenge zvichityora zvibvumirano zvinoenderana nemutemo weNational Construction Industry Act.

Vanofamba nemabhazi vanoti panofanirwa kutorwa matanho echimbichimbi kugadzirisa migwagwa iripo kuitira kuzadzisa zvishuwo zvebudiriro yenyika. Malawi inozviona ichigadzira nzira dzakawanda dzakasiyanasiyana dzekufambisa panosvika gore ra2063. Imwe yenzira idzi pahurongwa uhu kuve nemigwagwa inochengetedzwa zvakanaka uye kugadziridzwa ichibatanidza maguta nemaruwa.

VaThom Khanje, mutauriri weNational Planning Commission, vanoti “Tinovimba kuti mumakore mashoma anotevera, tichaona budiriro, kunyanya muzvirongwa zvikuru zvakaita semigwagwa, zvisingatore mwedzi yakati kuti chete kana kusvika kugore kuti zvipere. Izvi zviri kuuya nekuti taona kuzvipira kukuru kubva kuhurumende, makambani akazvimirira, nevavanoshanda navo mubasa ebudiriro.”

Gwaro reWorld Bank riri pamusoro panyaya dzemigwagwa, re2023 World Bank Transport Infrastructure Sector Assessment Program, rinoratidza kuti Malawi inoda mari inoita 1.5 trillion kwacha, kana kuti 8.6 million dollars mumari yekuAmerica yezvirongwa zvemigwagwa panosvika 2025 yakanangana nekusimudzira hupfumi hwenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

(Nyaya iyi yabva kuna Chimwemwe Padatha, mutori wenhau weVOA News, kuLilongwe, kuMalawi, makaipiwa naJonga Kandemiiri.)

Forum

XS
SM
MD
LG