Accessibility links

Breaking News

Chizvarwa cheZimbabwe Chiri Kurima muMaryland Chowanisa Zvizvarwa zveAfrica Kudya kweKumusha


Chizvarwa cheZimbabwe chiri kurima muAmerica, Amai Tanyaradzwa Doka-Spandla vachitema muboora mumunda wavo kuGaithersburg, muMaryland.
Chizvarwa cheZimbabwe chiri kurima muAmerica, Amai Tanyaradzwa Doka-Spandla vachitema muboora mumunda wavo kuGaithersburg, muMaryland.

Sezvavagara vachiita gore negore munguva ino yezhizha zvekuwanisa vagari vematunhu akapoteredza Maryland zvirimwa zvinyoro zvakasiyanasiyana, Amai Tanyaradzwa Doka-Spandla, vatanga zvakare kutengesa zvirimwa izvi kumhuri dzinobva kunyika dzakasiyanasiyana, zvikuru dzekuchamhembe kweAfrica.

Amai Doka-Spandla, avo vanorima zvirimwa zvinozivikanwa nevakawanda vekumusha, vanoti gore rino vakarima chibage chichena, icho vakatotanga kutengesa chiri chinyoro.

Nekuda kwedandemutande, vanoti vave kukwaisa kutenga mbeu yechibage chichena ichi kunze kenyika, mbeu yacho yotumirwa kwavari.

Studio 7 yakashanyira purazi raAmai Doka-Spandla apo vakarimawo zvimwe zvirimwa zvinosanganisira muriwo wemuboora, nyevhe, derere, nyimo pamwe netsine, iyo inonzi inorapawo zvirwere zvakasiyanasiyana.

Amai Doka-Spandla vanoti havana dambudziko rekushaya vanotenga zvirimwa zvavo, sezvo zvizvarwa zvekuAfrica zviri mudunhu reMaryland nemamwe matunhu akapoteredza anosanganisira Washington D.C., Virginia neWest Virginia, zvichigara zvakatomirira kuibva kwezvirimwa zvavo.

Murwi wemanyowa mumunda maAmai Tanyaradzwa Doka-Spandla.
Murwi wemanyowa mumunda maAmai Tanyaradzwa Doka-Spandla.

Vanoti zvirimwa zvavo zvinonyanyofarirwa nevanhu sezvo vasingashandise fotereza kana mishonga yekuuraya twumbuyu mukurima kwavo.

Kunyange hazvo vaine basa rakanaka kwazvo repamusoro, Amai Doka-Spandla vanoti zvekurima izvi zvagara zviri muropa ravo kubva vachiri mudiki kuburikidza nedzidziso yavaipiwa nevabereki vavo, mushakabvu Baba Fred Doka pamwe naAmai Selina Doka, avo vavanoti vachiri kurima nazvino kuProspect kuWaterfalls muHarare.

Vanoti gore rino vakakanganiswa nemhembwe dzerudzi rwe deer, idzo dziri kusvetuka ruzhowa dzichidya pamwe nekutyoratyora zvirimwa zvavo.

Greenhouse yaAmai Tanyaradzwa Doka-Spandla
Greenhouse yaAmai Tanyaradzwa Doka-Spandla

Amai Doka-Spandla vanokwanisawo kurima chero nguva yegore kusanganisira munguva yachando nekuda kwekuti vakaisawo chivakwa che greenhouse, icho chinochengetedza mamiriro ekunze zvinowirirana nezvirimwa zvavo.

Amai Doka-Spandla ndemumwe wevarimi vatsva vakakwanisa minda nekanzuru yeMontgomery County muna 2015 kuburikidza nechirongwa chaibatanidza varimi vatsva ava navanamuzvinapurazi vakazvipira kupa minda yavo kuti vashandise.

Ivo vakakwanisa kubatanidzwa nemumwe muzvinapurazi wechichena ari muGaithersburg, uyo akawapa maeka mashanu avari kushandisa, ukuwo kanzuru ichivawanisa manyowa nemari yekutenga zvikwanisiro kuitira kuti vatange kurima.

Sezvavagara vachiitawo gore negore, Amai Doka-Spandla havana kukanganwawo zvakare kuyeuchidza zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika kutevera zvazvinonzwa nyama yazvo ichifarira kuita, zvakafanana nekurima ikoku.

Hurukuro naAmai Tanyaradzwa Doka-Spandla
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG