Accessibility links

Breaking News

Dare kuBulawayo Rokurudzirwa Kurasa Nyaya yeMutori weNhau Vachuchusi Vachinzi Vakundikana Basa


Mutoti wenhau Jeffrey Moyo negweta rake, VaDoug Coltart
Mutoti wenhau Jeffrey Moyo negweta rake, VaDoug Coltart

Magweta ari kumirira mutori wenhau anoshanda akazvimirira ega Jeffrey Moyo azivisa dare ramejastiriti muBulawayo nhasi kuti achaita chikumbiro chekuti nyaya yaakatarisana nayo iraswe nekuti muchuchisi haana kubudisa humbowo hwekuti Moyo ane mhosva yaakapara.

Kunzwikwa kwenyaya yaMoyo kwapetwa nhasi, mushure mekunge dare ranzwa humbowo kubva kuna VaAcademy Chinhamora vanove mushandi weZimbabwe. Media Commission, avo vange vari mufakazi wechishanu vakasarudzwa nemuchuchisi kuti vape huchapupu hwavo munyaya iyi.

Mukuvhunzurudzwa kwavaitwa naAmai Beatrice Mtetwa, VaChinhamora vabvuma kuti zvinhu zvisiri pamutemo kuti bazi rekufambiswa kwemashoko rive nechekuita nekunyoreswa kwevatapi venhau vanobva kunze kwenyika, sezvo boka reZMC riri boka rakazvimirira rega pasi pebumbiro remitemo yenyika.

Asi vati izvi zvinhu zvinogara zvichiitwa nekuti ndiwo mashandiro agara aripo pakati peboka ravo nebazi rezvekufambiswa kwemashoko.

VaChinhamora vabvumawo kuti munhu anenge achida kunyoresa kuboka iri semutapi wenhau kana kubatsira vamwe vanenge vachida kunyoresa, haana zvaangaziva zvakawanda zvine chekuita nemashandiro anoita veboka iri. Kune vafakazi vana vakatopa huchapupu hwavo kudare.

Amai Beatrice Mtetwa vaudza Studio 7 kuti vange vakatarisira kuti muchuchisi VaAcumen Khupe vachadeedza vamwe vafakazi asi izvi hazvina kuitika.

Vati, “Tauya takatarisira kuti pane vamwe vafakazi vatatu vachapa huchapupu vanosanganisira akaferefeta nyaya iyi, nemumwe anoshanda kubazi rezvekufambiswa kwemashoko, pamwe naivo VaChinhamora.”

Amai Mtetwa vaenderta mberi vachiti, “Asi VaChinhamora ndivo chete vazopa huchapupu, mushure mezvo muchuchisi achibva ati anga apeta nyaya yake.” Amai Mtetwa vati maonero avo ndeekuti muchuchisi haana kukwanisa kubudisa pachena kuti Moyo akapara mhosva izvo zvavapa kuti vazivise dare kuti vanoda kukwidza chikumbiro chekuti rirase nyaya iyi."


Mutongi wedare VaMark Nzira vati vachapa mutongo wavo musi wa7 Kurume.

Moyo akasungwa muna Kubvumbi gore rapera akazobvumidzwa kubhadhara mari yechibatsio mushure mekugara muchitokisi kwemavhiki anopfuura matatu, achinzi akabatsira vatapi venhau vekuAmerica vaviri Christina Goldbaum naJoao Silva, avo vanoshandira bepanhau reNew York Times kuti
vapinde munyika zvisiri pamutemo.

Vaviri ava vakadzingwa munyika vasina kuwana mukana wekumiswa pamberi pedare pamusoro penyaya iyi.

Moyo anonzi akabatsira vaviri ava achishanda pamwe nemumwe mushandi
weZMC, Thabang Manhika uyo ari kupomerwa mhosva imwe chete, asi ari
kutongwa pachake ega.

Kusungwa kwaMoyo kwakashorwa nemasangano akawanda kusanganisira reCommittee to Protect Journalists iro rakati uyu waive muenzaniso wakaipa wekushungurudzwa kuri kuramba kuchiitwa vatapi venhau munyika.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG