Mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vari kupinda musangano wechitanhatu weEuropean Union-Africa Union Summit, uyo uri kutanga neChishanu uye hurumende inoti vachashandisa musangano uyu kuvandudza chirongwa chavo chekudyidzana nedzimwe nyika.
Vachinyora padandemutande ravo mushure mekusvika kuBrussels uko kune muzinda weEU, mutauriri wemutungamiriri wenyika, VaGeorge Charamba, vati mushure memusangano uyu, VaMnangagwa vachasangana nevakuru vakuru veEU.
Vati kunyange hazvo EU yakabvisa zvimwe zvirango zvaiyainge yatemera Zimbabwe, pachine dzimwe nyika shoma musangano iri dziri kuramba kuti zvirango zvibviswe zvese.
Muzvinabhizimisi uye vari nhengo yeZanu PF, VaGilbert Mponda, vaudza Studio 7 kuti kukokwa kweZimbabwe kumusangano uyu kunoratidza kuti nyika dzekuEurope dziri kutambira hutongo hwaVaMnangagwa.
Vati misangano yakadai inopa mikana yekuti mabhizimisi emuno akwanise kunotengesera kumisika yeEU pasina zvinonetsa.
Vatiwo vanotarisira kuti mabhanga ekuEurope achatanga kutsigira makambani emuZimbabwe nemari yezvikwereti.
Nyanzvi munyaya dzehupfumi, vachishanda nesangano reLabour, Economic, Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Godfrey Kanyenze, vati Zimbabwe yange yave nenguva isingapinde mumisangano yakadai uye zvakakosha kuti VaMnangagwa vapinde mumusangano uyu.
Imwe nyanzvi munyaya dzehupfumi, uye vakambove nhengpo yeparamende inoona nezvehupfumi, VaSimon Hove, vari nhengo yeMDC T, vaudza Studio 7 kuti kukokwa kwaVaMnangagwa kumusangano uyu hakurevi kushanduka kwezvinhu munyika asi kuti kunoratidza kuti EU yave kuda kudyidzana neZimbabwe.
Izvi zvatsigirwa nevanorwia kodzero dzevanhu. VaTendai Ruben Mbofana, avo vaudza Studio 7 kuti America yakarega zvirango zviripo nekuti hapana chashanduka muZimbabwe.
Vati vanoona Europe iri kurerutsa zvinhu senzira yekupa VaMnangagwa mukana wekuti vaunze hutongi hwejekere kuitira kuti Zimbabwe ikwanise kudyidzana nedzimwe nyika pachena.
Vatiwo chikuru chavaona chashanduka muZimbabwe chitsiidzo chakaitwa nehurumende yaVaMnangagwa chekubhadhara varungu vakatorerwa minda yavo.
Sachigaro wemubanidzwa wemasangano anoshanda akazvimirira eCrisis In Zimbabwe Coalition, VaPeter Mutasa, vaudza Studio 7 kuti nyaya dzehupfumi dzinofanira kukurukwa pachisanganiswa kodzero dzevanhu.
Dr Kanyenze vatiwo kunyange hazvo EU yave kutaura neZimbabwe ine zvimwe zviga zvayakatara zvainoda kuona zvichiitwa kuti zvisvike pahaukama hwainoda neZimbabwe zvakaita sekuita sarudzo dzisina mhirizhonga.
Vakasanobata chinzvimbo chemutevedzeri wemutauriri webato reCitizens Coalition for Change, VaGift Ostallos Siziba, vaudza Studio 7 kuti VaMnangagwa vanofanira kutanga vagadzirisa matambudziko ari munyika, vasati vabuda kunogadzirisa hushamwari dzavo nedzimwe nyika.
EU yakatanga kutemera vakuru vakuru muZimbabwe zvirango muna 2002 ukuwo America ikavatemerawo zvirango izvi kutanga muna 2003.
Musangano wemangwana uchabata nyaya dzakawanda dzekusimbaradza hukama pakati penyika dzemuAfrica neEuropean Union munyaya dzekurima, hutano, dzidzo, runyararo, kushanduka kwemamiriro ekunze pamwe nekutsigirwa kwemakambani akazvimirira nekuvandudzwa kwehupfumi.
Facebook Forum