Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Votenda Kuti Dambudziko reZvinodhaka Rokanganisa VeChidiki muNyika


Vechidiki munyika vaungana kucherechedza zuva revechidiki , hurumende ichibvuma kuti nyaya yekushandiswa kwezvinodhaka rave dambudziko guru munyika.

Vachitaura paRobert Mugabe Square apo paungana zviuru nezviuru zvevechidiki vachipemberera zuva revechidiki, mutungamiriri wenyika VaMnanagagwa vati kushandiswa kwezvinodhaka munyika rave dambudziko guru iro hurumende yakazvipira kurwisa.

VaMnangagwa vatiwo vave nekomiti yemakurukota ehurumende uye vakatoumbawo homwe ichandiswa mukurwisa dambudziko iri. Vati imwe yemari iyi ichandiswa kuvaka nzvimbo dzekuti avo vanoshandisa zvinodhaka vanenge vodakusiya vanogara kana kuti rehabilitation centers.

VaMnangagwa vatiwo hurumende yavo ichakoshesa zvirongwa zvebudiriro zvichabatsira vechidiki kuti vawane zvekuita. Vatiwo vachawedzera mari inosvika mamiriyoni mazana mashanu yemuno kuEmpowerbank kuti vechidiki varambe vachiwana rubatsiro kune avo vanoda kutanga zvemabhizimusi.

VaMnangagwa vavimbisawo kugadzirisa nzvimbo dzemitambo munyika kuti vechidiki vawane kwekutandarira vakati vachatanga kugadzirisa Gwanzura Stadium. Basa rekugadzira nhandare iri rakatotangwa naMufundisi Uebert Angel vachishanda nekanzuru yeHarare.

Mutevedzeri wegurukota revechidiki nemutambo, VaTino Machakaire vatiwo kupedza dambudziko rezvinodhaka iri zvakakosha kuti vanotengesa zvinodhaka vasungwe.

Achitaurawo pazuva iri, mumwe mudzimai wechidiki, Muzvare Tabeth Mwayera avo vanoti vaive vawirawo mudambudziko rezvinodhaka iri asi vakazosiya vatenda hurumende nekuedza kurwisa dambudziko iri.

VaKudzai Madzima vapawo huchapupu hwekumboshandisa zvinhu zvakadai sebroncleer, mbanje nemusombodhiya vatiwo munyika hamuna nzvimbo dzakawanda uye dzakachipa dzekuti avo vanoda kusiya zvinodhaka vagare vachibetserwa.

VaMadzima avo vanoti vakatozobatsirwa kunyika yeSouth Africa vakurudzira hurumende kuti iwanise vechidiki nzvimbo dzekubatsirwa kuti vasiye kushandisa zvinodhaka

Mumwe anoshanda nevechidiki anoshanda nesangano re Youths for Youths by Youths, Muzvare Charity Chaturuka avo vange vari pachiitiko chanhasi vati zvakakosha kuti mapazi ehurumende ave muzvirongwa zvekurwisa dambudziko rekushandiswa kwezvinodhaka.

Asi mutauriri wevechidiki mubato rinopikisa reCitizens Coalition for Change, VaStephen Chuma vati havaremekedz zuva ranhasi serevechidiki vachiti izuva rebato reZanu PF.

Kunyangwe hazvo iri range riri zuva revechidiki munyika yose, vamwe vechidiki veZanu-PF vatakurwa kubva kumatunhu akasiyana siyana vange vakapfeka hembe dzebato ravo kunyangwe pange pachishandiswa mari dzehurumende.

Zuva ranhasi rapembererwa pasi pedingindira rekuti kuzadzikisa muono wa2030 kuburikidza nekurwisa dambudziko rekushandiswa kwezvinodhaka nenechidiki Towards Achieving Vision 2030 : Alleviate Substance and Drug Abuse by the Youth

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG