Mutungamiriri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change, VaNelson Chamisa vakundikana kutaura nevatsigiri vavo kuGokwe uko mapurisa avhiringa musangano uyu zvisineyi nekuti dare reHigh Court range rati musangano uyu uenderere mberi.
Vachitaura neStudio 7 parunhare, VaChamisa vati vakundikana kutaura nevatsigiri vavo kuGokwe kumusangano wavanga vachida kuita wekutsvaga rutsigiro rwebato ravo pamberi pesarudzo dzemaby-elections dziri kutarisirwa munaKurume.
VaChamisa vanoti vatyira kukonzeresa ndufu vachiti mapurisa anga achikanda hutsi hunokachidza pamwe nekudira mvura inovava kuvatsigiri vavo avo vavati vanga vabuda nehuwandu.
VaChamisa vati vanga vatoita zvekuenda kumatare kuti vaenderere mberi nemusangano wavo nhasi.
Vatiwo zviri pachena kuti vanhu vanoda shanduko munyika izvo zvavati zviri kuvhundutsira mutungamiriri wenyika VaEmmerson Mnangagwa.
VaChamisa vati kunyangwe nhasi vakundikana kutaura nevatsigiri vavo vachadzokerazve kuGokwe kunotsvaka rutsigiro.
Mutevedzeri wemutauriri webato iri VaGift Ostallos Siziba vatiwo bato ravo harisi kuzotyisidzirwa kana kudududza mukuunza shanduko munyika.
Gweta range rakamirira bato reCCC iri paraenda kumatare nhasi VaObey Shava vaudza Studio 7 kuti vakatyamadzwa mudare, mapurisa achiramba kuti nezuro zuva rovira vakazivisa bato iri kuti risaenderera mberi nemusangano wavo kunyangwe zvazvo waive wambobvumidzwa.
VaShava vatiwo mapurisa anyepera matare nhasi izvo zvazoonekwa nekuvhiringa musangano waVaChamisa kwaiitwa nemapurisa.
Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, VaSydicks Muradzikwa, vati zvaitika kuGokwe izvi hazvikatyamadze, vachiti zviri pachena kuti kune vamwe vanombunyikidzirwa kodzero dzavo.
Nyanzvi mune zvesarudzo vachishanda nesangano reElection Resource Center, VaSolomon Bobosibunu, vashorawo zvaitika kuGokwe izvi vachiti mapato ezvematongerwo enyika anofanirwa kuwana mikana yakaenzana yekutsvaka rutsigiro.
Mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands VaEmmanuel Mahoko vaudza Studio 7 kuti vange vasati vatambira mashoko ezvaitika kuGokwe vakati vachaita tsvakurudzo.
Asi mutungamiriri webato riri kutonga reZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, vataura nevatsigiri vavo mudhorobha reKwekwe pasina zvibingaidzo.
VaChamisa vari kutarisirwa kuitawo musangano mudhorobha iri mangwana wekutsvakawo rutsigiro.
Facebook Forum