Accessibility links

Breaking News

Zvimwe Zvizvarwa zveZimbabwe Zviri kuUkraine Zvinoti Kuri Nani Pane Nhamo yeKumba


Ukraine Invasion
Ukraine Invasion

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kudzidza kuUkraine uko kuri kurwiswa nyika iyi nemauto eRussia zvinoti zviri nani kugara munyika ine hondo iyi pane kudzokera kuZimbabwe pamusana pekusamira zvakanaka kwakaita hupfumi hwenyika. Mutori wedu wenhau Frank Chikowore ataura nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kuUkraine ndokutipa nyaya iyi

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvinodzidza kuUkraine zvinoti hupfumi hwenyika hauna kumira zvakanaka muZimbabwe zvekuti vari kutoona zvirinani kuramba vari muUkraine umo muri kurwiswa nyika iyi nemauto eRussia.

Chimwe chezvizvarwa zveZimbabwe izvi, VaNixon Chizodza, avo vanogara muguta reVinnytsia iro riri pedyo neguta guru reUkraine reKyiv, vanoti vasarwa nemakore maviri chete kuti vapedzise zvidzidzo zvacho zvekuva dhokotera. Nekusamira zvakanaka kwehupfumi hwenyika muZimbabwe,VaChizodza vati vanotyira kuti vanozopedzisira vopa vabereki vavo dambudziko kana vakatiza hondo iri muUkraine vachidzokera kuZimbabwe.

VaChizodza vatiwo vadzidzi vazhinji vari muUkraine havazive kuti hurumende yeZimbabwe inozokwanisa kuvabatsira here kuti vapedzise zvidzidzo zvavo kana vakadzoka kumusha vachiti zvirinani kuti varambe vari muUkraine sezvo hondo isati yave kupisa muguta ravagere. Vatiwo kuramba vari panzvimbo imwechete kunogona kuita vachengetedzeke kuUkraine kwakare.

Vamwewo vatataura navo parunhare kuUkraine kwakare vakaita saVaKeith Chitunhu, vati ivo nevamwe vavo vanga vari mumabhazi kuenda kunyika dzakaita seRomania nePoland kunotsvaga hupoteri mushure mekuita kanzatukanzatu kuti vabhadhare mabhazi ekuvatakura.

VaChitunhu vati sezvo vazhinji vavo vanga vasina kana kobiri, vakazobatsirwa nemari dzemabhazi nezvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika asi vazhinji vavo havasati vawana rubatsiro sezvo makambani akaita sanaWestern Union nana Moneygram anoshandiswa mukutumirana mari asiri kushanda munzvimbo dzakawanda muUkraine Luko kune zvizvarwa zveZimbabwe zviri kuda rubatsiro izvi.

VaChitunhu, avo vati ivo nevamwe vavo vave nemazuva maviri vari munzira vachiedza kuda kubuda muUkraine sezvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka nekuda kwehondo iyi ukuwo hurumende yeUkraine isiri kubvumidza veruzhinji kufamba manheru, vati havazive kuti pavachasvika pamiganhu yeUkraine nenyika dzavari kuda kunotsvaga hupoteri vachabvumidzwa kubuda muUkraine here sezvo zvizvarwa zvedzimwe nyika zvakarambidzwa kubuda muUkraine nezuro.

Vamwe vabereki vane vari kuUkraine vakaita saAmai Clarence Mukotsanjera vanoti vari kutyira hupenyu hwevana vavo uye vakurudzira hurumende kuti ishande zvakasimba kuti vana vavo vabude muUkraine nekukasika.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaItai Zimunya, vati hurumende yeZimbabwe inokwanisa kutora zvizvarwa zvayo zviri parumananzombe muUkraine yozvichengeta pamuzinda wayo kudzamara zvinhu zvagadzikana muUkraine.

Nyanzvi munyaya dzezvefupfumi, VaMasimba Manyanya, avo vakamboshanda mubazi rezvemari vari chipangamazano munyaya dzehupfumi, vati kusamira zvakanka kwezvinhu munyaya dzematongerwo enyika pamwe nehupfumi munyika ndiko kuri kukonzera kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvizopedzisira zvaenda kunze kwenyika kunotsvaga mafuro manyoro.

Munyori mubazi rinoona nezvinoitika kunze kwenyika, VaJames Manzou vaudza Studio 7 kuti vakabatikana zuva rese kuti vapindure mibvunzo yatavatumira. Asi muzinda weZimbabwe kuGermany unonzi uri kushanda zvakasimba kuedza kubatsira kuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri muUkraine kuti zviwane pekunogara kana zvichinge zvakwanisa kusvika pamuganhu weUkraine nePoland. Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muUkraine zviri kukurudzirwa kuti zvibate muzinda weZimbabwe uri kuBerlin kuGermany panhamba dzinoti + 49 3032 556 760.

Kurwiswa kweUkraine neRussia kwapinda muzuva rechina nhasi kunyange hazvo nyika dzekumavirira dzakaita seAmerica, Britain, Germany nedzimwe dzakatemera hurumende yeRussia zvirango zvakasimba.

Mutungamiri weUkraine, VaVolodymr Zelenskyy vakakurudzira zvizvarwa zvenyika yavo kuti zvitore pfuti zvirwise mauto eRussia uye vakaramba kubatsirwa neAmerica kubuda munyika yavo vachiti chavari kuda zvombo zvekurwisa mauto eRussia.

Mutungamiri weRussia, VaVladmir Putin, vari kukurudzirawo mauto eUkraine kuti apandukire VaZelenskyy avabvise pachigaro. America yati iri kutumira zvimwe zvombo kuUkraine.

United Nations yatiwo vanhu mamiriyoni mana vemuUkraine vanogona kuguma vave muhupoteri nekutiza hondo iyi. Vanhu zviuru mazana matatu nemakumi matanhatu nemasere kana kuti 368, 000 vanonzi vatoenda muhupoteri.

Nyaya Ina Frank Chikowore
please wait

No media source currently available

0:00 0:07:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG