Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Voshora Mhirizhonga yezveMatongerwo eNyika


Vatsigiri vebato re Citizens Coalition for Change vakakuvadzwa mumhirizhonga yakaitika kuKwekwe nemusi weSvondo
Vatsigiri vebato re Citizens Coalition for Change vakakuvadzwa mumhirizhonga yakaitika kuKwekwe nemusi weSvondo

Bato rinopikisa reCitizens Coalition for Change rinoti munhu mumwe chete akafa uye vatsigiri varo makumi maviri nevaviri vakaendeswa kuchipatara mushure mekurohwa zvakaipisisa nevanhu vanofungidzirwa kuti inhengo dzeZanu PF pamusangano wakaitwa nemutungamiri webato iri, VaNelson Chamisa, kuKwekwe nezuro.

Mhirizhonga iyi pamwe neyaitika nhasi mudhorobha reChitungwiza yashorwa nevedzisvondo, muzinda weEuropean Union muZimbabwe pamwe nemasangano anoshanda akazvimirira.

Mutungamiri weCCC, Va Nelson Chamisa, vaudza vatori venhau kuti havasi kufara nemhirizhonga yakaitika mukupera kwesvondo vakakurudzira mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kuti vasashevedzere sarudzo kana vasingade kuti mapato akwikwidzane zviri pachena.

VaChamisa vati vachanyorera masangano akaita seSADC neAfrican Union pamusoro pekusamira zvakanaka kwezvinhu munyika uye vakurudzirawo masangano akaita seNational Peace and Reconciliation Commission pamwe nekomisheni inoona nezvekodzero dzevanhu yeZimbabwe Human Rights Commission nenyaya yemhirizhonga.

VaChamisa vati mhirizhonga yakaitika kuKwekwe yakanga yakarongwa nevari muhurumende vavasina kudoma nemazita. VaChamisa vati munyika munofanira kuve nerunyararo uye mapurisa achiita basa rawo asina kwaakarerekera.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kunaVaMnangagwa, asi mushandi mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vati VaMnangagwa vanogara vachikurudzira kuti vemapato vatsvage rutsigiro murunyararo.

Vari kukwikwidza muMbizo musarudzo dzeparamende muma by-elections vakamirira CCC, VaSettlement Chikwinya, vati nhengo dzebato ravo dzinodarika makumi maviri dziri muchipatara kuKwekwe mushure mukukuvadzwa zvakaipisa pamusangano wanezuro nevari kufungidzirwa kuti imhengo dzeZanu PF dzainge dzakapakatira mapfumo, mabhemba nematombo.

VaChikwinya vati vanhu vakaita mhirizhonga iyi vanhu vagara vachizivikanwa nenyaya dzemhirizhonga muKwekwe.

Imwe nhengo yeCCC yemuChitungwiza, Muzvare Agatha Mujati, vati vabaiwawo nebanga nenhengo yeZanu PF iyo tisingakwanise kuburitsa zita rayo sezvo tisina kukwanisa kutaura nayo kuti tinzwe divi rayo. Asi Muzvare Mujati vati vatosvitsa nyaya iyi kumapurisa emuChitungwiza.

Mutungamiri wesangano reZimbabwe Peace Project, Muzvare Jestina Mukoko, vati sangano ravo riri kushushikana zvikuru nemhirizhonga yave kuitika munyika zvichitevera mashoko emutevedzeri wemutungamii wenyika, VaConstantino Chiwenga, ekuti pane mutungamiri webato rinopikisa wavakafananidza naGoliath mudiki wavakati anofanira kutswanyiwa senda.

Mukuru wesvondo yeDevine Destiny, Bishop Ancelimo Magaya, vashora mhirizhonga iri kuitika iyi zvikurusei yakaitika kuKwekwe nezuro vachiti zvakaitika zvinorangaridza mhirizhonga yakaitika munyika muna 2008 pamberi pesarudzo dzechipiri dzekutsvgaga mutungamiri wenyika.

Pane gwaro riri kutenderera pamadandemutande rinonzi nderemapurisa rine mazita evanhu gumi nevana vanonzi vakasungwa pamusoro pemhirizhonga yekuKwekwe uye gwaro iri rinoti vazhinji vevakasungwa ava inhengo dzeZanu PF.

Asi mutauriri wemapurisa VaPaul Nyathi, havana kubvuma kana kuramba ruzivo rwegwaro iri vakati mapurisa achaburitsa mashoko azere kana achinge apedza kuferefeta.

Sachigaro wesangano reZimbabwe Election Support Network, VaAndrew Makoni, vakurudzirawo vakuru vemapato ezvematongerwo enyika kuti vanyorerane chibvumirano chekuti vanoda runyararo pamberi pesarudzo dzema by-election-pamwe nesarudzo dzegore rinouya.

Mumiriri weEuropean Union muZimbabwe, VaTimo Olkonnen, vaburitsawo mashoko ekushora mhirizhonga iyi vakakurudzira mapato ezvematongerwo enyika kuti atsvage rutsigiro murunyararo uye kuti honzeri dzose dzemhirizhonga dzisungwe.

Nyaya Ina Frank Chikowore
please wait

No media source currently available

0:00 0:08:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG