Hurumende inoti yabatsira madzimai mumatunhu masere munyika nekuvavakira zvibhorani zvinoshandisa magetsi ezuva senzira yekugadzirisa matambudziko anosanganiwa nawo nevanhukadzi nekuda kwekuchinja kwemamiriro ekunze huyewo senzira yekuderedza mhirizhonga yemudzimba.
Hurumende inoti ichacherechedza zuva remadzimai mangwana pasi pedingindira rinotarisisa zvakadzama nyaya yekusimudzira madzimai apo vanosangana nematambudziko nekuda kwekushandukao kwemamiriro ekunze.
Vachitaura pamusangano wavaita nevatori venhau vachigadzirira kucherechedza zuva iri, mumwe mukuru anoshanda mubazi rinoona nezvemadzimai nemabhizimusi madiki Amai Julia Mapungwana vati mukuedza kuderedza matambudziko arikusanganikwa nemadzimai, bazi iri kuburikidza nemari yehomwe yeZimbabwe Community Development Fund vakatanga chirongwa chemagadheni ayo anodiridzirwa nezvibhorani zvinoshandisa simba rezuva.
Vatiwo nyaya dzemhirizhonga dzinechekuita nekuti urimunhukadzi kana munhurume dzirikukwirawo munyika zvokonzerwa nenhamo.
Izvi zvatsinhirwa naMuzvare Cozet Chirinda vanotungamirira sangano rakazvimiririra rinonzi Justice for Women avo vatiwo madzimai akawanda arikusarira shure munyaya yekuchengetedzwa kwenharaunda nekushandukao kwemamirirot ekunze
Muzvare Chirinda vatiwo kusamira zvakanaka kwezvinhumunyaya dzezvehupfumi kwawe kuwedzerawo mhirizhonga mudzimba .
Hurumende inotiwo madzimai akawaniswa chouviri zvinogona kubatsirawo mukuderedza dambudziko remhirizhonga mudzimba.
Hurumende inotiwo mhemberero dzezuva remadzimai dzichacherechedzwa mangwana muHarare.
Facebook Forum