Sachigaro vebato riri kutonga reZanu PfF, Amai Oppah Muchinguri-Kashiri vanokurudzira vanhu vemuKaroi kuti vavhotere bato reZanu PF vachiti hurumende ichawanisa vagari vemumaguta zvekudya pamwe nemvura yakachena.
Vachitaura neMugovera munhandare yeChikangwe muKaroi, Amai Muchinguri-Kashiri vati vanhu vasatengese nyika nekuvhotera bato reCitizen Coalition for Change-CCC.
Amai Muchinguri-Kashiri vatiwo vave kutobayiwa nhomba yekudzivirira Covid-19 yechina kana 4th dose, kuitira kuti vasafe nedenda ririko iri kuti vachengetedze nyika kuti isatorwe nebato reCCC.
Vatiwo hurumende ichapa vagari vemumaguta magwaro enhaka yedzimba dzavagere, kana kuti Title Deeds, pamwe nekuvawanisa mvura yakachena sezvo paine hurongwa hwekuchera zvibhorani zvakawanda.
Sezvo vanhu vakawanda varatidza kuti havana kunyoresa kuvhota, Amai Muchinguri-Kashiri vati vashandi vekwamudzviti vanofanirwa kuenda kune vanhu vachivapa zvitupa kuitira kuti vakwanise kuvhota.
Mukuru wevanonzi inhengo dziri kudzoka kuZanu PF kubva kune mamwe mapato mudunhu reMashonaland West, VaWeston Kunonga, vati vari kukwezva nhengo dzakasara kubato reMDC Alliance neCitizen Coalition for Change kuenda kubato reZanu PfF.
Vaive nhengo yeMDC Alliance, VaSpraga Chiwaya, vanove mukoma wevaive nhengo yeMDC Alliance yakafa muwadhi 4 izvo zvakonzera kuti muve nesarudzo dzema by-elections, vanoti vadzokera kubato reZanu PF.
VaChiwaya vanoti vari kushungurudzwa nenhengo dzeCCC vachinzi vari kutengesa nekudzokera kubato reZanu PF.
Asi nhengo yeCCC muKaroi VaChigumo vati zviri kutaurwa naAmai Muchinguri-kashiri manyepo, vachiti bato ravo reCCC riri kuda kutounza shanduko munyika.
Musangano wanhasi wapindwa nevanhu vanosvika zviuru zvishanu vabva kunzvimbo dzose mudunhu.
Zanu PF ichange ichimiririrwa naVaSolomon Chingozho ukuwo CCC ichimiririrwa naVaNaison Sambo.
Memusi weSvondo bato reZanu PF riri kutarisirwa kuita mumwe musangano wekutsvaga rutsigiro kwaMutare, uko mutevedzeri wemutungamiri webato iri vari mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga vari kutarisirwa kutaura.
Facebook Forum