Bato rinopikisa reCitizens Coalition for Change rinoti munyika maberekera ingwe zvichitevera kushungurudzwa kuri kuita nhengo dzaro kwasara vhiki rimwe chete kuti nyika iende kusarudzo.
Sangano remagweta reZimbabwe Lawyers for Human Rights raburitsa padandemutande raro reTwitter kuti VaGodfrey Chidhawu Karembera nhengo yebato reCitizens Coalition for Change (CCC) vanozivikanwa nekuti Madzibaba veShanduko varohwa vari mumaoko emapurisa kukamba yeHarare Central.
ZLHR inotiwo vari kupomerwa mhosva yekusazvibata zvakanaka paruzhinji vachinzi vanga vachikurudzira vanhu kuti vavhotere VaNelson Chamisa veCCC. Bazi rezvekubuditswa kwemashoko ratiwo padandemutande retwitwer pari kuitwa tsvakurudzo nezvenyaya yekusabatwa zvakanaka kwaVakarembera vari mumaoko emapurisa.
Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vaudza Studio 7 kuti mapurisa ari kuongorora nyaya yekuti VaKarembera varohwa vari mumaoko emapurisa uye imwe nyaya yavari kupomerwa yekuti vange vachitsvaga rutsigiro zvisina mvumo yemapurisa nekunzwiwo vatuka mapurisa pavange vachida kusungwa.
Mutauriri weCCC, Muzvare Fadzayi Mahere vatiwoimwe nhengo yavo Amai Thokozile Dube varikuda kutsvaka chigaro chehukanzura kuUmzingwane ward 20 avkarara vachishungurudzwa nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu-PF.
Mune imwewo nyaya, Bato reZanu PF rinoti rinoda kukunda sarudzo zvakachena uye ishuviro yavo kuti mapato ese ezvematongerwo enyika akwanise kutsvaka rutsigiro murunyararo.
Vachitaura pamusangano wavaita nevatori venhau nhasi muHarare, vanoona nezvematongerwo enyika mubato reZanu PF, VaMike Bimha vati bato reZanu PF rinoda kuti mapato ese avachakwikwidzana nawo musarudzo vatsvake rutsigiro vakasununguka huye kusina mhirizhonga.
VaBimha vakakurudzira mapurisa kuti aite basa nemazvo mukuferefeta nyaya dzine chekuita nemhirizhonga.
Vatiwo bato reZanu PF ririkushandisa sarudzo dziri kutarisirwa munaKurume sechiyero kuona kuti zvirongwa zvehurumende zviri kutsigirwa here.
Vaenderera mberi vachiti bato ravo ratotangawo kupa ruzivo kune avo vachange vari panzvimbo dzekuvhoterwa kana kuti mapolling agents.
Asi Muzvare Mahere vati muromo hauzarirwe nerwizi sezvo Zanu-PF ichingotaura chete kuti haidi mhirizhonga asi nekune rimwe divi ichiipesvedzera.
Nyanzvi munezvematongerwo enyika VaSydicks Muradzikwa vatiwo mamwe mapato munyika haasi kupiwa mukana wekutsvaka rutsigiro. Sarudzo dzemaby-elections dzirikutarisirwa kuitwa musi wa26 Kurume.
Facebook Forum