Accessibility links

Breaking News

Doctor Khupe Vokurudzira veMDC-T Kuti Vavhotere VaChamisa


Doctor Thokozani Khupe vachitaura nevatori venhau muBulawayo
Doctor Thokozani Khupe vachitaura nevatori venhau muBulawayo

Mutungamiri wechimwe chikwata cheMDC T Doctor Thokozani Khupe vazivisa kuti bato ravo rave kutsigira VaNelson Chamisa nebato ravo reCitizens Coalition for Change senzira yekukura nzira yekuti bato iri rigokunda zvine mutsindo musarudzo dzichaitwa munyika gore rinouya.

Vachitaura nevatori venhau nhasi Muzvare Khupe vati vaona zvakakodzera kutsigira VaChamisa nebato ravo nekuti ndivo vanogona kuunza shanduko iri kudiwa munyika.

Amai Nomvulo Mguni vanove munyori mukuru wechikwata chaMuzvare Khupe vaudzawo Studio 7 kuti ruzhinji rwatambura munyika vakatsinhira kuti zvakakosha kuti vanhu vabatane vatsigire VaChamisa vachiti ndivo vanogona kugadzirisa zvinhu munyika kana vakatungamira hurumende.

Pamubvunzo wekuti Muzvare Khupe vakataurirana naVaChamisa here kana kuti kwete pamusoro pedanho ravo Amai Mguni vati vaviri ava vakataurirana asi hapana zvakawanda zvavanokwanisa kutaura pamusoro panhaurirano idzi.

Pave nekanguva pane runyerekupe rwekuti Muzvare Khupe vanoda kubatana naVaChamisa uye izvi zvakakonzera mutauro mukuru vamwe vachiti Muzvare Khupe isukukuviri uye havafanirwi kutambirwa naVaChamisa kana kuve nechigaro mubato reCCC. Asi vamwe vanoti vanofanira kutambirwa nekuti vanopikisa vakasabatana vanopatsanura mavhoti.

VaSwithern Chiroodza avo vakafanobata chigaro chemutauriri webato reCCC mudunhu reBulawayo vati vanotambira danho raMuzvare Khupe rekutsigira VaChamisa nebato ravo. Asi vati vakawanda vachine kunyunyuta kukuru pamusoro pemaitiro aMuzvare Khupe.

Mumisangano yavari kuita yekutsvaga rutsigiro rwema by election, VaChamisa pachavo vari kugara vachitaura kuti bato ravo richiri idzva uye harisati rave nevatungamiri kunze kwevanhu vakafanobata zvigaro zvakasiyana siyana, vachiti vakuru vakuru vose vebato kusanganisira mutungamiri vachasarudzwa nevanhu.

Mune imwewo nyaya vamwe vatsigiri vebato reZAPU vanonzi vasungwa zvichitevera kusvitsa gwaro renyunyuto kukanzuru yeBulawayo pamusoro pemutero wekupaka motokari mumigwagwa. Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kubva kuZAPU kana kumapurisa panyaya iyi.

Asi mutauriri webato iri VaMthulisi Hanana ndivo vange vasvitsa gwaro renyunyuto iri kumutevedzeri wameya weguta VaMlandu Ncube pamwe nemunyori wekanzuru VaChristopher Dube.

VaHanana vati mitero yakatarwa nekambani yeTendy 3 haikwaniswe neveruzhinji uye vagari havazi kunzwisisa zvakawanda kusanganisira kuti kambani iyi yakawana basa iri sei.

Vapa kanzuru mazuva manomwe kuti ipindure. VaNcube vati sezvo chinangwa chayo chiri chekushanda zvakanaka nevagari ichapindura gwaro iri.

Mukupeta nyaya dzemuBulawayo kanzuru yeguta reBulawayo yasainirana chibvumurano chichaita kuti ibatsirwe kuvandudza mabasa ekuwanisa vanhu mvura neboka reVEI rekunyika yeNetherlands.

Chibvumirano ichi ndechemari inopfuura madhora ekuAmerica mamiriyoni mashanu nezviuru mazana masere, 5.8 million dollars, chichavepo kwemakore mashanu anotevera uye veVEI vachabatsirawo maguta eHarare neMutare muchirongwa chimwe chete.

Nyaya Ina Kudzanai Musengi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG