Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vabereki Vane Vana paChikoro cheKutama Vonyunyuta neKushungurudzwa Kwavanoti Kuri kuitwa Vana Vavo neVamwe Vadzidzi


Chikoro cheKutama College kuMashonaland West
Chikoro cheKutama College kuMashonaland West

Vamwe vabereki vane vana vanodzidza vari pachikoro chine
mukurumbira mudunhu reMashonaland West, cheKutama College, vakaenda
kunoratidza kusafara kwavo kuvakuru vechikoro ichi nemusi weChina pamusoro
penyaya dzine chekuita nekushungurudzwa kwevana vavo.

Vabereki vaisvika makumi matatu vakasvika pachikoro ichi vakagumbuka zvikuru
mushure mekunge vaziva kuti vana vavo vari kushungurudzwa kana kuti kuitwa bullying nevamwe vana vaifanirwa kunge vachiona kuti havasi kuita misikanzwa
here kana kuti ma prefects.

Vana ava vanonzi vaigariswa kwenguva yakareba vakasimudza maoko,
kuumburudzwa pasi vasina kupfeka kana kufamba vachigwesha vachitenderera
midhuri yavanogara senzira yekuvaranga kana vachinge vaita ruzha mumipanda yavanorara.

Zvinonzi vana ava vaitorerwawo zvekudya nemari dzavanenge vapihwa
nevabereki vavo.

Kushungurudzwa uku kunonzi kuri kuitwa nguva dzemanheru chete.

Vamwe vabereki vari kukurudzira vakuru vepachikoro ichi kuti vaone kuti vana ava vatariswa navanachiremba sezvo vavakufungidzira kuti vanogona kunge vari kuitwa zvakare zvepabonde kana kuti sodomy.

Mumwe mubereki watisingakwanise kudoma nezita sezvo tichityira
kuzivikanwa kwemwana wake anoti mwana wake akamuudza kuti ari
kushungurudzwa zvakaipisisa nguva dzemanheru.

Mumwe mubereki anoda kuzivikanwa nezita rekuti Amai Tanya anoti nyaya
iyi ihombe zvekuti panogona kunge vana vachiitiswa zvepabonde zvekuti
ave kutobvisa mwana wake pachikoro ichi.

Mumwe mubereki anotiwo mwana wake akati akatorerwa mari yaainge
amusiira paakanomuona svondo rakapera.

Mubereki uyu anoti kushungurudzwa kwevana kuri kuitwawo nevashandi
pamwe nevadzidzisi.

Mumwe mudzidzisi ari mukomiti inoona nezvekurangwa kwevana kana kuti disciplinary
committee, Amai Runyararo Meki, vanoti vari kuita tsvakiridzo ine
hudzamu hwekushungurudzwa kwakaiyitwa vana.

Amai Meki vakaudza vabereki kuti vakatobvisa mamwe ma prefects asingadiwe
nevana sedanho rekutanga mukugadzirisa dambudziko rekushungurudzwa kwevamwe vana pachikoro chavo.

Mumwe mudzidzisi asi vachiona nezvekupodzwa kwemaronda ekushungurudzwa
mupfungwa kana kuti Guidance and Counselling, VaTinashe Tigere vanoti
vana vari kushungurudza vamwe vanotodawo kugadziriswa pfungwa dzavo.

Mukuru wechikoro VaFrancis Taurai Mukoyi ,avo vainge vasipo pakasvika
vabereki vachinzi vainge vafamba nebasa, varamba kutaura neStudio 7
vachiti havabvumirwe nemutemo webasa.

Asi mutevedzeri wemukuru mubazi rezvedzidzo mudunhu reMashonaland West
VaJason Dzveta vanoti nyaya iyi haisati yasvika kumahofisi kwavo.

Mutauriri werimwe boka rinomiririra vadzidzisi reZimbabwe Teachers
Association –ZIMTA, VaGoodwill Taderera vanoti nyaya yekushungurudzwa kwevana vechikoro nevamwe vana iri kunyanya kukonzerwa nekuti vadzidzisi havachisina hanya nevana.

Nguva yakare vana vainge vachitanga zvidzidzo zvavo pazvikoro
zvinodzidzwa vana vachigarapo vairohwa nevamwe vana musi wavaitanga
kudzidza zvaizivikanwa nezita rekuti ‘manyunyu’ kunyange
zvaisabvumirwa.

Chikoro cheKutama chinozivikanwa zvakanyanya nekudzidza kwevanhu vane
mukurumbira munyika vanosanganisira vaimbove mutungamiri wenyika
mushakabvu VaRobert Mugabe, vaiita zvematongerwo enyika VaJames
Chikerema, vaimbove gurukota rezvemari VaBenard Chidzero, munyori
ane mukurumbira VaAlexander Kanengoni nevamwe.

Nyaya ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG