Zvari kubuda musarudzo dzema by-elections zviri kuratidza kuti bato reCitizens Coalition for Change rakunda munzvimbo dzakawanda dzanga dzichiitwa sarudzo idzi richiiteverwa nebato reZanu PF iro rawana zvigaro zvishomanana.
Zvabuda musarudzo zviri kuziviswa nevashandi vekomisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission mumatunhu akasiyana-siyana anga achiitwa ma by-elctions zvinoratidza kuti bato reCCC rakunda munzvimbo dzakawanda ukuwo bato reZanu PF richikundawo munzvimbo mbiri dzaitungamirwa nebato rinopikisa reMDC Alliance risati ratsemuka pachizoumbwa bato reCCC.
Bato reZanu PF rakunda muEpworth nekuMutasa South dzinova nzvimbo dzakanga dzichitungamirwa nebato reMDC Alliance VaNelson Chamisa vasati vavamba bato reCCC zvichitevera kudzingwa kwakanga kwaitwa nhengo dzavo muparamende nechikwata cheMDCT inotungamirwa naVaDouglas Mwonzora.
Bato reCCC rakunda mumakanzuru akawanda kwese kwanga kuchiitwa sarudzo. Bato reZanu PF rikatorawo imwe wadhi kuMabvuku muno muHarare uko kwahwinwa naVaScot Sakupwanya kanove kekutanga kuti wadhi iyi itongwe neZanu PF kubva pakavambwa bato reMDC muna 1999.
Vakunda musarudzo idzi nenzvimbo dzavanga vachikwikwidza nemapato avo vanoti:
Harare Central - Murisi Zwizwai, CCC
Harare East – Tendai Biti, CCC
Epworth – Zalerah Makari, Zanu PF
Highfield East – Eric Murai, CCC
Highfield West – Happymore Chidziva, CCC
Kuwadzana -----Johnson Matambo, CCC
Kuwadzana East – Charlton Hwende, CCC
Glen Norah – Wellington Chikombo, CCC
Glenview North, Fani Munengami, CCC
Kambuzuma – Willas Madzimure, CCC
Mufakose -----Susan Matsunga, CCC
St Marys ----Dickson Unganai Tarusenga, CCC
Chivi South, Munyaradzi Zizhou, Zanu PF
Mwenezi East, Master Makope, Zanu PF
Dangamvura – Prosper Mutseyami, CCC
Mutasa South- Misheck Mugadza, Zanu PF
Murehwa South – Nyasha Masoka, Zanu PF
Marondera Central, Caston Matewu, CCC
Bato reCCC rakundawo kuKwekwe Central uko kwaitungamirwa nenhengo yaive yakazvimirira VaBlackman Matambanadzo avo vakashaya.
Mutauriri weCCC, Muzvare Fadzayi Mahere vati vafara zvikuru nekukunda kwaita bato ravo musarudzo idzi.
Mushandi mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vatiwo vafara zvikuru nezvabuda musarudzo.
Mutauriri weMDCT yaVaMwonzora, VaWitness Dube, vati vachiri pakati pekunzwa zvabuda musarudzo kwese kwanga kuchiitwa sarudzo vachiti vachashanda nevose vabudirira musarudzo idzi.
Sachigaro weMDC Alliance VaMorgan Komichi vati mutungamiri wemubatanidzwa uyu VaDouglas Mwonzora vachataurawo nevatori venhau mangwana nezvabuda musarudzo idzi.
Mutungamiri webato reLabour Economists African Democrats, Muzvare Linda Masarira, avo vakakundwa kuHarare Central, vati vanotambira zvabuda musarudzo kunyange hazvo vanhu vasina kubuda nehuhwandu hwavo kunovhota.
Mashoko aya atsinhirwao naMuzvare Falon Dunga munyori mukuru wesangano reproject Vote 263.
Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaRashweat Mukundu, vati kukundwa kwaitwa bato raVaMwonzora musarudzo dzema by-elections idzi kunoratidza kuti rwendo rwebato iri rwasvika kumagumo.
Hatina kukwanisa kutaura nasachiagro weZEC, Amai Priscilla Chigumba kana mukuru anoona nezvesarudzo muZEC VaUtoile Silaigwana kuti tinzwewo divi ravo.
Zvichakadai, bato raVaMwonzora radzingawo mamwe makanzura gumi nematanhatu munzvimbo dzakasiyana-siyana izvo zvave kureva kuti kwave kufanira kuitwa mamwe ma by-elections munzvimbo dzanga dzichimirirwa nemakanzura adzingwa aya achinzi haachatevedzeri zvido zvebato ravo.
Pasi pemutemo unobata nyaya dzesarudzo weElectoral Court, sarudzo itsva dzekanzuru idzi dzinofanira kuitwa mukati memazuva makumi mapfumbamwe. Sarudzo dzakaitwa nezuro dzakazoitwa nguva iyi yadarika sezvo hurumende yaiti yaityira kuti chirwere cheCovid 19 chaigona kuzopararira.
Facebook Forum