Mapurisa emuHarare apinda zvechisimba pamahofisi esangano reZimbabwe Devine Destiny ndokusunga vafundisi nevatendi vane chitsama mushure mekunge mapurisa arambidza vedzisvondo ava kuparura chirongwa chavo chekunamatira nyika chavari kudaidza kuti “The Zimbabwe We Want Campaign”.
Mapurisa aya, ayo anga akapakatira zvombo, anonzi apinda zvechisimba pamahofisi esangano rinotungamirwa naBishop Ancelimo Magaya iri ndokusunga vafundisi pamwe nevatendi vane chitsama vanga varimo mushure mekurambidzwa kwavaitwa nemapurisa kuparura hurongwa hwavo hwekunamatira nyika.
Bishop Magaya vaudza Studio 7 kuti mapurisa akaenda pachechi yeDutch Reformed Church in Zimbabwe iri pakati peguta reHarare nezuro kunomisa hurongwa uhwu kuti husaenderere mberi.
VaMagaya, avo vasina kusungwawo, vati havasi kufara nekusungwa kwaitwa vamwe vavo
Rimwe remagweta ari kumirira vasungwa ava, VaPaidamoyo Saurombe, vaudza Studio 7 vari pakamba yemapurisa yeHarare Central kuti vasungwa ava vanogona kumiswa pamberi pedare mangwana.
Mutauriri wesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition, VaObert Masaraure vati zvaitwa nemapurisa zvinotyora kodzero dzevedzisvondo dzekunamata vakasununguka.
Izvi zvatsinhirwa nasachigaro weboka revechidiki mubato reUnited Zimbabwe Alliance, VaShingirai Chabata.
Mutauriri webato reCitizens Coalition for Change, Muzvare Fadzayi Mahere, vati zviri kuitwa nehurumende zvinoratidza kuti nzira yekuenda kusarudzo dzegore rinouya izere neminzwa.
Hatina kukwanisa kutaura nemutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi kuti tinzwe divi remapurisa panyaya iyi.
Asi mushandi mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko mubato reZanu PF, VaTafadzwa vaudza Studio 7 kuti vanhu vasungwa ava nyaya yavo yanga isiri yekunamata kana kushumira zita raJesu Kristu, asi kuti yanga iri yekuunganidza vanhu nezvematongerwo enyika, zvinove zvisiri izvo.
Mapurisa nemusi weChina akanyimawo mvumo yekuungana kusangano re Heal Zimbabwe Trust, iro rakanga rakumbira mvumo yekuungana neMugovera muHarare Gardens kuti varangarire VaAlex Magaisa vakashaya mukupera kwesvondo.
Gurukota rinoona nezvinoitika mukati menyika, VaKazembe Kazembe vakaudza Studio 7 nguva pfupi yadarika kuti munhu wese anenge asungwa anofanira kunomira nemhosva dzake mumatare obatwa nemhosva kana kuzvichenura kumatare.
Facebook Forum