Accessibility links

Breaking News

Sangano reAfrican Parliamentarian’s Network Against Corruption, APNAC, Rinoudzwa Kuti Panofanirwa Kuve neMafungiro Matsva eKurwisa Huwori


Muzvafundo Patrick Loch Otieno Lumumba.
Muzvafundo Patrick Loch Otieno Lumumba.

Kunyange hazvo nyika ine mitemo nemapazi akasiyana-siyana anobatsira
kurwisa huwori, izvi zvinonzi hazvina kukwana nekuti
chinhu chikuru chinodiwa ndechekuti vanhu vave nemafungiro pamwe
nemaitiro matsva pakurwisa huwori uhu.

Izvi zvabuda pamusangano wekuzeya mamiriro akaita zvinhu munyika munyaya dzekurwisa huwori, uri kuitwa nenhengo dzeparamende dziri pasi pesangano reAfrican Parliamentarian’s Network Against Corruption kana kuti APNAC.

Vachitaura semunyarikani kuburikidza nepadandemutande pamusangano
wekuzeya nyaya yekurwisa huwori waitwa muBulawayo, Muzvinafundo
Patrick Lumumba vekuKenya, avo vane mukurumbira munyaya dzekurwisa huwori, vati
kunyange hazvo pane vamwe vane maonero ekuti huwori hauna kuwanda
sezvinotaurwa nevakawanda munyika dzemuAfrica uye kuti nyika
dzekumadokero dzinobatsira mukuita kuti huwori huvepo munyika idzi,
chokwadi ndechekuti huwori idambudziko guru ratekeshera munyika
dzakawanda muAfrica.

Vati pane zvinhu zvakawanda zvinoitwa nenyika dzakawanda kusanganisira
Zimbabwe zvinosungirwa kuitwa nevanhu vanoshanda muhurumende senzira
yekudzivirira huwori asi huwori hunoramba huchitekeshera

///Zvinhu zvinoshamisa nekurwadza kuti zvisinei nekuti vashandi
vehurumende nevezvematongerwo enyika munyika dzakawanda muAfrica ndivo
vanowana mihoro yakaderera, vanowanikwa vari ivo vamwe vevanhu vane
hupfumi hwakakura munyika idzi. Pari zvino munyika dzemuAfrica
dzakawanda kana uchida kuve munhu akapfuma asi usingashande unoita
zvematongerwo enyika kana kuti unopinda muchiuto kana kuwana basa
repamusoro muhurumende.///

Vati kunyange hazvo pane mitemo uye nemapazi akasiyana-siyana
anobatsira kurwisa huwori, huwori uhu hunopera chete kana vanhu vakave
nemafungiro pamwe netsika itsva dzekuita zvinhu.

"Yasvika zvino nguva yekuti tiongorore hunhu hwedu tibvume kuti tiri
kuita zvinhu zvisina kufanira; tiri kutadza zvikurusa uye tinofanirwa
kuti tigadzirise kutadza kwedu uku. Hapana mitemo ichatibatsira
pakugadzirisa izvi; hapana matare achatibatsira pakugadzirisa
izvi…tinofanirwa kungochinja hunhu hwedu."

VaTemba Mliswa, avo vanove sachigaro wechikamu chemuZimbabwe
cheAfrican Parliamentarian’s Network Agaiant Corruption, uye vari nhengo yeparamende yakazvimirira, vaudza Studio 7 kuti vanobvumirana nemaonero aMuzvinafundo Lumumba.

Vashora nyaya yekuti vamwe vakuru vakuru vehurumende nemapazi
ehurumende vane chekuita nekurwisa huwori vanotadza kuvepo pamisangano
yakadai, vakatsinhira kuti zvakakosha kuti munhu wose azvipire panyaya
yekurwisa huwori.

VaBrian Dube avo vanove sachigaro vekomiti inoona
nezvekushandiswa kwemari dzehurumende mudare reparamende, kana kuti Public Accounts Committee, vatiwo vanotsigira maonero aVaLumumba.

Muzvare Memory Mbondiah vanomirira dunhu reMidlands pasi
pehurongwa hwe proportional representation vatiwo zvakakosha kuti pave nedzidziso
yakasimba kuvanhu vose munyika kusanganisira muzvikoro pamusoro
pekuipa kwehuwori.

Asi VaKuziwa Murapa vanove mutevedzeri wasachigaro weZimbabwe
Anti-Corruption Commission, kana kuti ZACC, vaudza Studio 7 kuti
kunyange hazvo vachibvumirana nemaonero aVaLumumba pane mitemo inoda
kuvandudzwa kuti kurwisa huwori munyika kunyatsobudirira.

Sangano reAPNAC rinopindwa nenhengo dzeparamende nesenate nekuda kwadzo
senzira yekuratidza kuzvipira kwadzo mukurwisa huwori.


Musangano wekuzeya kurwisa huwori uyu unopera neMugovera.

Nyaya ina Kudzanayi Musengi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG