Kuratidzira kwevashandi vezvehutano vanosananisira vanachiremba, vakoti uye kwevarairidzi kwapinda muzuva rechipiri nhasi.
Vari kutungamirira hurongwa uhwu vanoti kuratidzira kuchaenderera mberi kunyange hazvo vamwe vashandi vari kuti vave kutoshungurudzwa nevakuru vavo pabasa.
Mazana evashandi vezvehutano vano sanganisira vakoti, vanachiremba vana mabharani nevamwe vashandi vaungana pazvipatara zvakasiyana siyana munyika vachiritiratidzira kuti mari dzavanotambira hadzichakwana.
Vachitaura pachipatara cheParirenyatwa, munyori musangano rinomirira vashandi vehutano munyika reHealth Apex Council, VaLloyd Sarai, vati hapana chakabuda mumusangano wavakaita neHospital Services Board nezuro.
VaSarai vashorawo vamwe vasiri kuratidzira vachiti izvi zvinodzorera hondo yavo kumashure.
Vati dzimwe nyaya dzavaida kuti dzigadziriswe neHSB dzinosanganisira nyaya dzemihoro, nyaya dzekuti varambe vachipihwa mari yekubatsirikana inoita mazana matatu nemadhora makumi matanhatu ekuAmerica dzavaipihwa muna 2018 pamwe nenyaya dzekuti vapimwe maGrades kana zvikamu zvekushandira zvinoenderana navo sezvo izvi zvakapedzesera kuitwa muna 2012.
Vatiwo havana ruremekedzo kana kutendwa kwavakaitwa pakushanda kwavakaita panguva yedenda reCovid -19.
PaParirenyatwa vashandi vange vaine zvinyorwa zvakasiyana vaungana vakatanga kufamba vachitenderera pachipatara ichi vachiimbawo kuti mihoro yavo haichakwana kuti vararame nemhuri dzavo.
Vaendawo kumahofisi e(HSB) awo ari pedyo nechipatara ichi uye zvese izvi zvange zvichiitika mumeso emapurisai anodzivirira nyonga nyoga ayo asina danho raatora.
VaSarai Vati chavanoda kuti HSB nehurumende vaite kuti vataure navo nekuvapawo mugove uno enderana nemamiriro ehupfumi.
Asi vamwe vange vari kuratidzira vaudza hutungamiriri hwavo kuti vave kutotyityidzirwa nevakuru vavo pabasa.
Asi VaSarai vati izvi zvinowanikwa pachimurenga chega chega.
Mutungamiriri wesangano reZimbabwe Nurses Association, VaEnoch Dongo vaudza Studio 7 kuti vashandi vashomana vaenda kumabasa uyewo hapana ari kubvuma kutyityidzirwa.
Health Apex Council iri kuda kuti mushandi wepasi pasi apihwe muhoro wemazana masere nemakumi mana emadhora eku America US$840 pamwedzi.
Hatina kukwanisa kunzwa kubva kuHS sezvo mukuru wavo Dr Paulinas Sikosana vange vasiri kudaira nhare mhozha yavo.
Zvichakadai bazi redzidzo yepasi rinoti zvinhu zvichiri kufamba zvakanaka muzvikoro kunyange hazvo mamwe masangano anomirira varairidzi pasi pesangano reFederation of Zimbabwe Educators Union (FOZEU) akakurudzira nhengo dzawo kuti dziramwe mabasa dzichitsutsumwa nemihoro yadzo kutanga nezuro.
Mutauriri mubazi iri, VaTaungana Ndoro, vati nezuro zvinhu zvange zvakanaka muzvikoro uye vange vasati vanzwa kuti zvinhu zvafamba sei nhasi.
Munyori musangano rinomirira vakuru vezvikoro reZimbabwe National Union of School Heads, VaMunyaradzi Majoni, vaudza Studio 7 kuti pane vamwe varairidzi vasiri kuuya kubasa asi havasi kunyatsoziva huwandu hwavo.
Asi vatiwo zviri pachena kuti vacho vari kuuya kubasa moyo yavo haisiri pabasa nezvo vasiri kufara nemari dzavari kutambira.
Sachigaro vesangano remubatanidzwa wemasangano anoshanda akazvimirira reCrisis in Zimbabwe Coalition, VaPeter Mutasa, vaudza Studio 7 kuti vanotsigira varairidzi, vanachiremba nevakoti vakati vashandi vese neveruzhinji ngavabatane kuona kuti hurumende yavapa mihoro inofadza.
Vati vanhu varohwa nenhamo munyika vachiti ndizvo zvave kuita kuti vamwe vaone sekuti hutongi hwehudzvanyiriri hwaIan Smith hwaive nani.
Mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa nezuro vakashora vese vane muono uyui vachiti havazive kutambura kwaiita vanhu nguva yeRhodesia.
Facebook Forum