Zvimwe zvitoro zvakaita seChoppies zvatanga kutengesa zvinhu nemari yekuAmerica chete zvichiti vari kuzvitengesera zvinhu vari kuda mari iyi.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakadzika mutemo wechimbi chimbi vachiti mari yemunyika neyekuAmerica zvinogona kushandiswa zvose kusvika muna 2025.
Asi kushaya simba kwedhora remunyika kuri kupa kuti vanhu vakawanda vade kushandisa mari yekuAmerica chete. Mutungamiri wesangano reConfederation of Zimbabwe Retailers VaDenford Mutashu vaudza Studio 7 kuti sevezvitoro hapana zvavangaite kana vanohodhesa zvinhu vachiti vanoda mari yekuAmerica.
Vanoongorora nyaya dzezvehupfumi VaMasimba Kuchera vaudza Studio 7 kuti zvoitewa nevezvitoro zvichapa kuti varombo vanonge svosve nemuromo.
Facebook Forum