Accessibility links

Breaking News

Vatsigiri veCCC Vanoti kuBikita South Kwaberekera Ingwe Sezvo Votyisidzirwa neZanu-PF


Zimbabwe Riots
Zimbabwe Riots

Vamwe Vatsigiri vebato reCitizens Coalition for Change kuBikita vanoti vave kutyira hupenyu hwavo mushure mekunge mumiriri wenzvimbo iyi mudare reparamende vari nhengo yeZanu-PF VaJosiah Sithole vapomerewa mhosva yekuvatyisidzira nemhirizhonga vakapfeka hembe dzebato ravo dzeyellow. Asi VaSithole vacho vave kuimba rwumwe rwiyo.

Vamwe vatsigiri vebato reTripple C vanoti vakanzi vacharakashwa pamusangano wakaitwa pakupera kwesvondo pachikoro cheZengeya Primary kana vakasatevedzera zvakarambidzwa naVaSithole.

Mumwe mugari akange aripo pamusangano uyu ada kuzivikanwa nerekuti VaKamurai nekutyira hupenyu hwake anoti VaSithole vakati vanopikiswa vanogona kudimburwa maoko kana kuti short sleeve sezvakamboitika mugore ra2008 kana vakatsigira bato rinopikisa.

Vagari ava vanoti vave kutotya kuti sarudzo dzegore rinouya dzinogona kunge dzine mhirizhonga yakawanda sezvo vave kutotanga kutyityidzirwa. Muzvare Muchaneta Siziba avo vange vari pamusangano uyu vati zvave kutika zvinotyisa.


Mutungamiriri webazi revechidiki muCCC kuBikita, VaJohn Mupanduki vanoti munzvimbo iyi maberekera ingwe.

Asi VaSithole varamba mhosva yavari kupomerwa vachiti manyepo sezvo bato ravo risingakurudziri mhirizhonga panyaya dzematongerwe enyika.


CCC inopomera bato reZanu PF mhosva yekuponda nhengo dzavo dzinoti VaMboneni Ncube, KuKwekwe pasarudzo dzema by-election muna Kurume, Muzvare MoreBlessing Ali kuNyatsimwe mwedzi wapera pamwe naVaNyasha Zhambe kwaGutu gore rapera muna Zvita.

Asi Zanu PF inoramba mhosva idzi ichiti vanhu vakazviita vakapara mhosva vakazvimirira ndosaka vakasungwa nemapurisa.

Mugwaro rayo rezvenyaya dzemhirizhonga munyika mumwedzi waChikumi, sangano reZimbabwe Peace Project rinoti bato reZANU PF ndiro rakanyanya kutyora kodzero dzevanhu nezvikamu zvinodarika makumi mana nezvitatatu kubva muzana 43,8% apo bato reCCC rinewo zvikamu zvonosvika zvitatu nechidimbu kubva muzana kana kuti 3.5%.

Zvichakadaro vagari vemuMasvingo vari kuchemachema nekushaikwa kwemvura mune
dzimwe nzvimbo dzadarika vhiki rose dzisina kana donwe remvura. Kanzuru iri kupomera ZESA mhosva yekudzima magetsi zvokanganisa nyaya yekuendesa mvura kuvagari.

Mumwe mugari wekuMucheke D Miriam Sibabazo Ndlovu anoti dambudziko remvura rave kuita kuti vatarisane nezvirwere zvakaita se Cholera neTyphod.

Meya weguta reMasvingo VaCollen Maboke vaudza studio 7 kuti ZESA yakaparura chirongwa chekudzima magetsi chiri kuvadzimira kunopombwa mvura kudhamu reMtirikwi.

Hatina kukwanisa kunzwa kune mutairiri weZESA, VaGeorge Manyaya avo
vanga vasingadairi nhare yavo . Asi mumashoko kuvagari nevatori venhau, ZESA nezuro yakati iri kuwedzera chirongwa chekudzimira vanhu magetsi munyika yose nekuda kwematambudziko ayiri kusangana nawo mubasa rayo.

Matambudziko aya anosanganisira zvinonzi neZESA kushandiswa kwemagetsi zvakanyanya munguva yechando, kusashanda zvakanaka kwemamwe magwenya uye kutadza kutenga magetsi kunze kubva kunyika dzakaita seMozambique neSouth Africa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG