Hurumende inoti iri kufara nemabasa ari kuitwa nesangano reUSAID
rekAmerica ekuyamura vanotambura.
Vachitaura nezuro pakupihwa kwemichina yekusonesa pamwe neyekunamisa
simbi kune vechidiki vanosvika makumi mashanu, gurukota rinoona
nezvedunhu reMashonaland West, Amai Mary Mliswa-Chikoka vakati vari
kushanda zvakanaka chose neUSAID sezvo sangano iri riri kutevedzera
zvinodikanwa zvinosanganisira kushanda nemapazi ose ehurumemde.
Vachitaurawo pachiitiko chimwechetecho, mushandi weLEAD, rimwe
remasangano ari kushanda mukuwanisa vagari zvekudya asi vachipihwa
mari neUSAID, VaKudzanai Zhemu, vakati pamusoro pemakumi mashanu
evechidiki vakayamurwa, mhuri dzinosvika chiuru nemakumi maviri dziri
kuyamurwa pamapurojekiti emapindu, kuchengetwa kwehuku, kurima howa,
kudzidzisa vanhu mabasa emaoko pamwe nekuchera zvibhorani zvemvura.
VaZhemu vakati zvose izvi zvakaita madhora ekuAmerica zviuru mazana
maviri nemakumi masere ,kana kuti US$280 000.
Senzira yekuti mabasa atangwa aya aenderere mberi, VaZhemu vakati
vakadzidzisa vagari ava mafambisirwo anoitwa mabhizinesi vachibatsirwa
nevadzidzisi vepachikoro chepamusorosoro cheChinhoyi University of
Technology, CUT.
Mumwe akadzidziswa kunama simbi kana kuti kuweredha paCUT akapihwa
muchina wekushandisa neUSAID ndiAmai Venencia Chinyani, avo vakati
vanofara nemuchina wavakapihwa uye vanofunga kuti hupenyu hwavo
huchashanduka nerutsigiro rweUSAID urwu.
Chirongwa cheUSAID ichi chiri kutarisirwa kuyamura mhuri dzinodarika
chiuru nemazana mashanu munzvimbo dzinoti Norton, Chegutu neMakonde
gore rino risati rapera.
Chirongwa ichi chiri kuitwa pasi pedingindira rekuti: "Building and
Strengthening Community Resilience", kana kuti kuvaka pamwe
nekusimbisa kumutsiridzwa kwenharaunda.
Facebook Forum