Masangano ose anomirira vashandi vehurumende ari mumubatanidzwa we Zimbawe Confederation of Public Sector Trade unions, asangana nhasi muHarare akabuda nezvisungo zvekuti vashandi vese vehurumende vamboramwa mabasa kwemazuva maviri, Chitatu neChina svondo rinouya.
Izvi vari kuti inzira yekuratidza kunyunyuta kwavo nenyaya dzemihoro nemashandiro avo.
Asi musangano uyu wasungawo kuti kana hurumende isina kutora matanho pazvikumbiro zvevashandi nekukasika, vashandi vachazopinda mukuramwa mabasa kwenguva yakareba muna Gunyana.
Studio 7 yakundikana kunzwa divi rehurumende sezvo tatadza kubata munyori mukuru wesangano rinopinza vashandi vehurumende mabasa rePublic Service Commissions, VaJonathan Wutawunashe.
Asi sangano remubatanidzwa wemasangano evashandi vehurumende, reZimbawe Confederation of Public Sector Trade Unions raburitsa gwaro riri kutaura kuti zvasungwa izvi zvichazadziswa sekudaro kana hurumende ikasatora danho rekugadzirisa zvikumbiro zvavo.
Masangano evadzidzisi, ari pasi pemubatanidzwa weFederation of Zimbabwe Educators Union (FOZEU), anoti reProgressive Teachers' Union of Zimbabwe-PTUZ, Amalgamated Rural Teachers' Union of Zimbabwe-ARTUZ, Professional Educators' Union of Zimbabwe-PEUZ neEducators Union of Zimbabwe-EUZ, apindawo mumusangano uyu, uyo waanoti uri kuenderana nezvishuviro zvawo kubva kare pamusoro peraramo yevadzidzisi.
Mukuru wesangano rePTUZ, Doctor Takavafira Zhou, vanoti hurumende inofanira kuratidza kuti ine hany'a nevashandi vayo.
Vanoti kuramwa mabasa kwesvondo rinouya kwemazuva maviri inzwisa chete nekuti zvikoro zvave pedyo nekuvharwa, asi pavacharamwa muna Gunyana, hapana kudzora tsvimbo.
Facebook Forum