Accessibility links

Breaking News

ZESA neKanzuru yeChinhoyi Zvovharirana Magetsi neMahofisi neNyaya dzeZvikwereti


ZESA
ZESA

Kambani yemagetsi yeZimbabwe Electricity Supply Authority - ZESA-inodzimira kunzuru yeChinhoyi magetsi izvo zvoita kuti guta rishaiwe mvura.

Vanhu vakawanda munzvimbo dzinogara veruzhinji vafumobata jongwe muromo kutsvaga mvura zvichitevera kudzimwa kwemagetsi kunzvimbo inodhonzwa nekucheneserwa mvura yemuguta.


Muchiziviso charakaita kuvagari neChishanu bazi rinoona nezvekudyidzana neveruzhinji mukanzuru yeChinhoyi rakazivisa kuti ZESA yainge yavhara magetsi ayo kunzvimbo dzinopombwa mvura yeguta nekuda kwechikwereti chemadhora emari yemunyika anosvika mamiriyoni makumi mana nerimwechete kana kuti ZWL$41million.

Kanzuru yakabva yazivisawo vagari kuti iyo ZESA ine chikweretiwo kukanzuru chemadhora emunyika mamiriyoni mazana maviri nemakumi mashanu kana kuti ZWL$250 million.

Senzira yekutsiva kuvharirwa nzvimbo dzinocheneserwa mvura, kanzuru yakabva yaendawo kunovhara mahofisi eZESA.

Kuvharwa kwemagedhe emidhuri yakapoteredza mahofisi eZESA kunonzi kwakaita kuti vashandi vakawanda vabude vachiita zvekukwira midhuri iyi kana kuti ma durawall.

Mumwe mugari wemuChinhoyi VaTendai Musonza vanoti zvaitika izvi zvinoratidza kuti ZESA nekanzuru havasi kushandidzana zvakanaka.
VaMusonza vanoti vanofanirwa kugara pasi voonesana paina mutongi gava sezvo ari mapazi ehurumende ose.

Izvi zvinotsigirwa nasachigaro werimwe sangano rinomiririra vagari reChinhoyi Residents Trust, VaKlifford Khuphepo, avo vanoti vari kushamiswawo kuti kanzuru haisi kubhadhara zvikwereti zvemagetsi asi iri pamberi kuvharira vagari mvura.

Mutauriri wekanzuru yeChinhoyi audza Stduio 7 kuti nhaurirano neZESA dzakatotanga manheru eChishanu uye vanotarisira kuti dzichaenderera mberi neMuvhuro unouya.

Patabvunza kuti nyaya yekuvharirana yave papi, mutauriri weZESA, Muzvare Prisca Utete, vabva vatumira gwaro rekambani yavo riri kuzivisa vose vanoshandisa magetsi kuti sedanho rekuona kuti vanhu nemakambani vane zvikwereti kuZESA vabhadhara here, vari kudzima magetsi kune avo vane zvikwereti zvakurisa.

Gwaro iri riri kuzivisa vose vane chikwereti chemagetsi kuti vabhadhare nekukurumidza.

Asi gwaro iri harisi kutaura kuti iyo ZESA ichabhadharawo zvikwereti zvayo riinhi. Hatina kukwanisa kubata mutauriri wekanzuru yeChinhoyi kuti tinzwe kana pave nezvimwe zvitsva kunze kwezviri mugwaro rakaburitswa nekanzuru.

ZESA-CHINHOYI FEUD-PACKAGE 23 JULY 2022 .mp3
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG