Vanoona nezvekuburitswa kwemashoko mubato reZanu-PF VaChris Mutsvangwa vari kuramba mashoko ekuti bato ravo riri kukurudzira vatsigiri varo kuti vaite mhirizhonga.
Izvi zvinotevera mashoko ebato rinopikisa ekuti kwaMutoko muMashonaland East kwaberekera ingwe mushure mekurohwa zvakaipisisa kwenhengo dzebato iri.
Mutauriri webato reCCC Muzvare Fadzai Mahere vaudza Studio 7 kuti mapurisa anoregedza nhengo dzeZanu-PF dzichiita madiro aJojina zvekuti kunyangwe vakamhan’ara hapana anosungwa.
Asi muturiri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vanoti mapurisa haatarise kuti wabuda mumba maani.
Muzvare Mahere vanoti nhengo dzebato ravo dzikangofungidzirwa kuti dzapesvedzera mhirizhonga dzinosungwa asi veZanu-PF vanenge vachipomerwa mhosva dzekuponda chaidzo vanopihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso.
Zvichakadaro, mutungamiri webato reNational Constitutional Assembly Muzvinafundo Lovemore Madhuku vanoti zvakakosha kuti paitwe nhaurirano pasi pegungano rePolitical Actors Dialogue kana kuti POLAD.
Asi mapato anopikisa makuru akaita seCCC neMDC Alliance ari kuramba kupinda munhaurirano idzi.
Facebook Forum