-Vamwe vagari veku Zaka votyira hupenyu hwevana vavo avo vave kuperekedzwa kuzvikoro sezvo nzvimbo yavo yarura maperere ayo arikuuraya zvipfuwo pamwe nekuruma vanhu. Godfrey Mtimba anotipa zvizere.
Vagari vemunzvimbo dzakaita sekuChipinza, kwaNyakunhuhwa nekwaBota vanoti vari kugara vakabatira hura mumaoko kubva zvakarumwa vamwe vagari vatatu vemhuri imwe chete svondo rapfuura vakakuvara zvakaipisisa.
Vatatu ava vemubhuku rekwaMapfumo kwaIshe Bota vanoti VaRwativenga Maroyi, VaRobert Maroyi nemudzimai wavo Amai Muchaneta Munodya vari kupora vari muchipatara cheMasvingo General Hospital apo vakarumwa nemapere avaidzinga achida kuuraya mombe dzavo mudanga.
Studio 7 yashanyaira VaRobert Maroyi nemudzimai wavo muchipatara asi yatadza kutaura navo sezvo vange vachirwadziwa. Mukoma wavaMuroyi , VaTimothy Maroyi vaudza Studio 7 kuti mudzimai wemuni’ina wake akadimburwa maoko ose maviri nemapere.
Mumwe wevagari ava Ambuya Hilda Dzoro vati izvi zvave kuita kuti vaperekedza vana kuchikoro nekunovatora zuva nezuva kuti vasarumwe nemapere.
Mapere aya anonzi ari kuraya zvipfuwo zvinenge zviri mumatanga husiku.
Mumwewo mugari wekwa Nyakunhuhwa, VaEdaward Njiko vanoti vamwe vana vakatombomira kuenda kuchikoro nekudaro hurumende pamwe nebazi rezvemhuka munyika vanofanira kugadzirisa dambudziko iri.
Dambudziko rekunetsana kwemhuka dzemusngano nevanhu riri kuramba richikura munyika apo zvikara zvakaita seShumba zviri kuonekwa
munzvimbo dzinogara vanhu.
Izvi zviri kushungurudzawo vagari vekuMwenezi avo vari kuoneswa nhamo neshumba mbiri munzvimbo mavo dzinofungirwa kuti dzakabva kuGonarezhou National Park.
Vagari ava vakaita savaLearnmore Mupindimbi vepaRutenga growth point, vati bazi rezve mhuka nehurumende riri kutadza akubata shumba idzi dzave nesvondo nhatu munzvimbo mavo.
Sangano reZimbabwe National Parks and Wildlife rinoti riri mubishi kuti ribate zvikarara izvi kana kuzviuraya kuti zvisauraye vanhu nezvipfuwo kuZaka neMwenezi.
Mutauriri webazi iri, VaTinashe Farawo vati kuZaka vakatopfura vakauraya mapere maviri pachikwata chemapere arura aya ayo vasingazivi kuti akawanda sei, uye vakakwanisa kuuraya shumba imwe chete panhatu dzainetsa kuMwenezi.
Sangano rinoona nezvekuchengetedzwa kwezviwanikwa nemhuka reFauna and Flora Zimbabwe(FaFloZim) rinoti kunetsana kwemhuka nevanhu munyika kuri kukonzerwa nenyaya dzenzara pamwe nekuparadzwa kwenzvimbo dzinochengeterwa mhuka.
Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa muFafloZim, VaFidelis Nyamukondiwa, vakurudzira vanhu kuti vasacheka waya munzvimbo dzinochengetwa mhuka.
VaNyamukondiwa vati hurumende inofanira kuchengetedzawo nzvimbo
dzinogara mhuka kuti dzisapoye dzichipinda munzvimbo dzinogara vanhu.
Zimparks yakaudza Studio 7 kuti iri kubvisa mhuka dzinodarika zviuru zviviri nemazana matanhatu, 2 600 kubva kunzvimbo dzekuchamhembe kwenyika uko kunenzara yakakonzerwa nekushaikwa kwemvura yekunaya vachidziisa kumadokere kuti disazonetse nekutsvaga chikafu zvinoita kuti dzizonetsna nevanhu.
Dzimwe dzemhuka idzi dinosanganisira Shumba, Nzou, Makava pamwe neNyati. Zimparks inotiwo vanhu makumi mana vaurayiwa nemhuka dzemusango mumwedzi mitanhatu yegore rino chete..
Facebook Forum